Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yopomerwa Mhosva yeKushandisa Mbeu neFetereza Kukwezva Mavhoti


Vatsigiri veZanu PF vari pamusangano senato ravo.
Vatsigiri veZanu PF vari pamusangano senato ravo.

Mapato anopikisa ari kuchema nerekuti Zanu PF iri kushandisa mbeu nefetereza senzira yekukwezva vanhu kuti varivhotere musarudzo.

Mutauriri weNational People’s Party, VaJefferson Chitando, avo vari kukwikwidza vari mumubatanidzwa wePoeple’s Rainbow Coalition, vanoti Zanu PF iri kuendesa marhori azere mbeu nefotereza kumaruwa ichinopa vanhu munguva ino yegadziriro yesarudzo.

Sachigaro wemadzimai mudunhu reMasvingo muMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Amai Nyaradzai Mago, vanotiwo vari kusangana nemarhori zuva nezuva pavari kukambena kumaruwa akaita seGutu, Zaka, Chiredzi, Chivi pamwe ne Mwenezi.

Nhengo yeNational Patrotic Front, VaRocky Kamuzonda, vanoti zvinoshamisa kuti hurumende yeZanu PF yatotanga kare kupa vanhu mbeu iyo nguva yekurima ichiri kure.

Vanoti zviri kuitwa neZanu PF inzira yekuti iwane vanhu vachaivhotera, izvo zvisingabvumidzwe nemutemo.

Asi Sachigaro veZanu PF, VaEzra Chadzamira, varamba mashoko aya vachiti hurumende yagara ichibatsira vagari vekumaruwa nembeu gore roga roga. Vatiwo mapato anopikisa ari kuchema nhando nekuti ari kuona kuti anokundwa musarudzo saka avekutsvaga kuda kuhwanda nenyaya dzenhando.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi nhengo yesangano rinorwira kodzero dzevanhu reMasvingo Human Rights Trust, Muzvare Esther Chimanikire, vanoti mashoko ari kubuda ndeechokwadi uye Zanu PF iri kutyora mutemo wesarudzo nekugovera vanhu mbeu nemafetereza apo nyika yakatarisana nesarudzo.

Vanoongorora zvematongerwe enyika vakazvimirira, VaMasimba Gonese, vanoti kushandisa mari nezvimwe zvinhu mukukwezva rutsigiro yagara iri tsika yeZanu PF munguva dzesarudzo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG