Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yonzi iri Kumanikidza veMakambani Kubvisa Mari


Bato reZanu PF raramba mashoko ekuti riri kumanikidza vemakambani kubvisa mari inosvika zana rechiuru chemadhora yekuti rikwanise kuita mabiko ekutsvaga mari yekushandisa pakuramba zvirango zvinonzi zvakatemerwa nyika nevekumawirira, ayo ari kutarisira kuitwa mwedzi unouya.

Kambani yeYedu Nesu, iyo inonzi ndiyo yakapiwa basa rekuronga nezvemabiko aya, ichi shanda nenhengo dzeZanu PF, vanonzi vari kuenda kumakambani akazvimirira pamwe nevanhuwo zvavo vachi vakwezva kuti vabvise mazimari aya.

Asi vamwe vemakambani vakasvikirwa nevanhu ava, vakaudza bepanhau reNewsDay kuti kuita uku hakuna kusiyana nehukoronyera, sezvo paine kumanikidzwa nekutyisidzirwa kwevanhu vanenge vasina kubhadhara.

Zanu PF yakazivisa kuti yakanga yaunganidza masiginicha ano darika mamiriyoni maviri ekuramba masangisheni aya, asi vamwe vanhu vanoti vaimanikidzwa kusaina gwaro iri.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo vaudza Studio 7 kuti vanhu nemakambani vari kutenga voga matikiti ekupinda mumabiko aya pasina kumanikidzwa.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi pauniversity of zimbabwe, professor john makumbe vanoti hapana chitsva panzira dzagara dzichishandiswa nezanu pf mukupemha mari, sezvo yagara ichizivikanwa kuti inoita zvekumanikidza.

XS
SM
MD
LG