Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yonetsana Vamwe Vachida Chigaro chaVaMugabe


Zanu-PF inoti iri kutanga mwedzi unouya kuvandudza bato nekusarudza vatungamiri vatsva munyika yose.

Asi panonzi patomuka hondo inotyisa pakati pezvikwata zviri kurwira kuda kuzotora hutungamiri kubva kune mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, kana vaenda pamudyandigere.

VaMugabe vanonzi vakwegura, uye pave nemutauro wakanyanya nezvehutano hwavo kunyange hazvo vakasarudzwa pakongiresi yebato iri ichangopfuura.

VaMugabe, avo vave pazororo, vanoti vari kuenda kunyika dzekumabuda zuva kuzororo nemhuri yavo.

Asi vamwe mubato iri vaudza Studio 7 kuti VaMugabe vanogona kunge vari kuenda kunorapwa navana chiremba vavo.

Vachitaura kuMagunje neMugovera vanoona nezvekufambiswa kwemabasa ezvematongerwo enyika muZanu-PF, VaWebster Shamu, vakati vari kunetsekana zvikuru nehondo yamuka mubato ravo nekuda kwekurwira chigaro chaVaMugabe icho vanoti hachisi kuzokukwidzwa nekuti VaMugabe vachiripo.

Zvinonzi vanhu vari kutsigira chikwata chinotungamirwa nemutevedzeri wekutanga waVaMugabe, Amai Joyce Mujuru, nevari kutungamirwa negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vave kutsikana konzi zvakanyanya.

Kunetsana uku ndiko kwakapa kuti kuMashonaland West, kunova kunobva VaMugabe, kutadze kuitwa sarudzo dzasachigaro wedunhu iri nezvimwe zvigaro zvepamusoro.

Kubva zvakafa vainge vakabata chigaro chasachigaro wedunhu iri, VaRobert Sikanyika, muna Kubvumbi, sarudzo dziri kukundikana kuitwa nenyaya yekurwisana kuri mubato.

Mutauriri webato reZanu-PF, VaRugare Gumb, vatenda kuti vari kuvandudza bato ravo. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inotaura yakazvimirira, VaCharles Mangongera, vanotiwo hutano hwaVaMugabe ndoho hwavakukonzera kunetsana muZanu-PF.

XS
SM
MD
LG