Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yonetsana naVaZuma paNyaya yeSarudzo


Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa, Amai Maite Nkoana-Mashabane, vakonzera kusagadzikana muZanu-PF mushure mekunge vaudza dare reparamende renyika yavo neMuvhuro kuti havatarisire kuti muZimbabwe muitwe sarudzo kudzamara zvose zviri muchibvumirano zvazadzikiswa.

Asi izvi hazvina kutambirwa zvakanaka nevamwe muZanu-PF, zvikuru vakaoma musoro vakaita saVaJonathan Moyo, nhengo yePolitiburo yebato iri, avo vanoti South Africa yave kuda kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe.

Mashoko aya atsinhirwa nemutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, avo vati mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo chete vane simba rekudaidzira sarudzo zvirti pamutemo.

Asi chibvumirano chezvematongerwo enyika, cheGlobal Political Agreement, GPA, chinotaura pachena kuti VaMugabe vanofanira kutanga vatenderana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pakuita zvinhu zvavanosungirwa kuita semutungamiri wenyika nekuti hurumende iripo, ndeyemubatanidzwa. VaGumbo vanoti South Africa haina simba rekuudza Zimbabwe zvekuita.


Vachitaura pabhavhudhe ravo VaMugabe vakati vari kuda kuti sarudzo dziitwe gore rino kunyange pasina bumbiro remitemo vakati vanogona kusatambira kurudziro yeSADC.

Asi VaTsvangirai vanoti sarudzo ngadziitwe gore rinouya papedzwa misariridzwa yose iri muGPA. Vamwe kubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika vaudza Studio 7 kuti VaZuma, avo vari kushanyira nyika dzekuchamhembe kweAfrica, vachapinda munyika svondo rinoouya.

Asi mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti kunyange hazvo vari kutarisira VaZuma chero nguva, havasati vapihwa mazuva avachange vari munyika.

Mashoko aya atsinhirwa nechipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti hapasati patarwa nguva asi Vazuma vachange vari muZimbabwe vachigadzirisa misariridzwa yezviri muGPA kunyanya hwaro negwara resarudzo kana kuti "election roadmap."

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaPedzisai Ruhanya, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paWestminster University muLondon ku Britain, vanoti Zanu-PF inotya sarudzo dzakachena nekuti inotya kukundwa.

XS
SM
MD
LG