Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yonetsana neNyaya dzeSarudzo


Mubato reZanu-PF maita kusawirirana kunotyisa panyaya yekuti sarudzo dzoitwa rinhi. Vakuru mubato iri vasina kuda kudomwa nemazita vanoti zvatove kuSADC kuti ione kuti sarudzo dziitwe rinhi muZimbabwe nekuti mubato hamuna kuwirirana zvachose.

Mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa ari kutanga neChina kuzeya nyaya yesarudzo kuCape Town, South Africa vachiyananiswa namutongi gava, anova mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti chikwata cheJoint Operation Command, kana kuti JOC, icho chinosanganisira vakuru vemauto mapurisa, vasori nevamwe ndicho chine vanhu vari kuti sarudzo dziitwe nechimbichimbi.

JOC yakatotanga kare kuita gadziriro yesarudzo zvichitevera kutumirwa kwakaitwa vakuru vemauto mumatunhu ose ari munyika nebato reZanu-PF. Sangano iri rakaendesa Retired Air Vice Marshal Henry Muchena kunotungamira Zanu-PF commisariate vachitevedzerwa naVaSydney Nyanhongo, avo vaive musori.


Kunze kwevaviri ava, veJOC vanonzi vakadyara mauto akawanda munzvimbo dzakawanda dzenyika kuitira kuti vatsvagire mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, rutsigiro musarudzo dzichaitwa munyika.


Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vaudza Studio7 kuti imwe nhengo yeZanu PF munhaurirano, VaPatrick Chinamasa, vaingotaura pfungwa dzavo kwete dzebato apo vakati sarudzo dzinoitika chete muna 2013 nekuti pane zvakawanda zviri kuda kugadziriswa.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvinhu zvinoshamisa kuti Zanu-PF haisi kutaura neizwi rimwe chete panyaya yesarudzo.

Imwe yenyanzvi idzi, VaCharles Mangongera, vanoti kunetsana kuri kuitika muZanu-PF kunokatyamadza.

XS
SM
MD
LG