Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yonetsana neEuropean Union


Gavhuna weBulawayo, VaCain Matema, neChitatu vakaramba kusangana nenhumwa dzeEuropean Union dziri kushanya mudunhu reMatebeleland dziri kutarisa nyaya dzebudiriro.

Nhumwa dzeEU dziri kutungamirwa nemumiriri weEU muZimbabwe, VaAldo Dell’ Ariccia. Asi VaMatema vaudza ZBC kuti hapana chinobatsira kuita musangano neve EU kana vasina kubvisa zvirango zvavakatemera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vakuru muZanu-PF.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti Zanu-PF yave kuda kuomesazve musoro panyaya yekudyidzana nedzimwe nyika mushure mekunge mwedzi wapera, gurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo veZanu-PF, varambidza mamwe mameya kushanyira America.

Muzinda weAmerica muZimbabwe wakange waronga rwendo urwu senzira yekusimbaradza hukama pakati peZimbabwe neAmerica.

EU iri kutarisirwawo mumazuva mashoma anotevera kugara pasi kuBrussels, Belgium kuti izeye nyaya yekuti yobvisa here kana kuti kwete zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo muZanu-PF nenyaya yekutonga nedemo.

Vanokokera Zanu-PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, vanoti vanonzwisisa danho ratorwa naVaMatema.

Asi nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaClifford Mashiri, vanoti zviri kuitwa neZanu-PF hazvishamise sezvo yagara ichida zvekunetsana nedzimwe nyika.

XS
SM
MD
LG