Musangano weZanu-PF wakatanga kuEsigodini, Matabeleland South nemusi weChishanu mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachizivisa kuti gwaro rakabudiswa nekomisheni yaitingamirirwa nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, richiburitswa svondo rinouya.
Komisheni yaVaMotlanthe yakanzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pezvakaitika musi waNyamavhuvhu 1, 2018, apo mauto akapinda mumigwagwa yemuHarare vanhu vanodarika vatanhatu vakapfurwa vakafa.
Vachitaura pamusangano uyu, VaMnangagwa vatendawo kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi kunyange hazvo vati pane mamwe makambani akavhurwa.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti mitemo yaVaMnangagwa zvikuru panyaya yemari, ndiyo yauraya nyika.
Asi VaManagagwa vati vemabhizimisi ndivo vane hundyire.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti hurumende ndiyo iri kukanganisa hupfumi nekudzika mitemo inokanganisa vemabhizimisi.
Vachiparura musangano uyu zviri pamutemo, VaMnangagwa vakati vachaburitsa gwaro rekupfurwa kwevanhu nemauto musi wa 1 Nyamavhuvhu.
Vadzokororawo mashoko ekuti havasi kuzoumba hurumende yemubatanidzwa nemapato anopikisa.
Asi munyori mukuru weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaDouglas Mwonzora, vakatozivisa kare kuti havanei nehurumende yemubatanidzwa iyi asi vanoda hurumende inenge yakafanobata matomu.
Vachitaurawo pamusangano uyu, mutevedzeri wemutungamiri webato reZanu PF, VaConstantino Chiwenga, vakaratidza kupesana naVaMnangagwa panyaya yekutongera vanhu rufu. VaChiwenga kubvira kare vanoti vanotsigira murango wekutongera vanhu rufu nekuvauraya izvo VaMnangagwa vanoti havatsigire.
Asi vakuru vanoti shiri ine muririro wayo hairegi.
Mutungamiri wedare remadzishe, VaFortune Charumbira, avo vasingasungirwe kuita zvematongerwo enyika mubumbiro remutemo vaenderera mberi vachibuda pachena kuti vanotsigira Zanu-PF nekushora mapato anopikisa
VaCharumbira vati havanei nezvinotaurwa nematare panyaya yekuti vasapindire munyaya dzezvematongerwo enyika. VaCharumbira vanogara vachiendeswa kumatare nenyaya yekupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.
VaCharumbira vataurawo nezvehutungamiri mubato iri uye kunetsana kunonzi kuri pakati paVaMnangagwa naVaChiwenga.
VaCharumbira vatiwo nyaya yeGukurahundi inofanira kugadziriswa.
Mashoko aya anotevera mashoko aMambo Vezi Maduna Mafu vekuFilabusi ekunyorera tsamba kuna VaMnangagwa neUnited Nations kuti nyaya yeGukurahundi igadziriswe.
Mambo Maduna Mafu vanoti kubva zvavakanyora tsamba kuna VaMnangagwa nekuUnited Nations kuti nyaya yeGukurahundi igadziriswe vave kuteverwa nevasori.
Kana vainge vachinamata pamusangano uyu vainge vachiratidzawo pachena kutsigira bato reZanu-PF.
Mufundisi asina kudomwa uyu akaenderera mberi achiti bumbiro remitemo rivandudzwe kuitira kuti VaChamisa vasakwikwidze musarudzo nekuda kwezera ravo.
Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, vange vasiri pamusangano uyu.
Sachigaro webato, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, vambotanga vaudza vanhu VaMohadi vainge vatumwa nebasa.
Asi mashoko aya akapesana neataurwa naVaMnangagwa avo vati havasi kunzwa zvakanaka.
Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaMohadi vari kurwara vari muchipatara muHarare.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti Zanu-PF inopedza nguva ichiita zvematongerwo enyika kwete kudzigirisa zviri kunetsa muyika.
Vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemhuri yavo havana kuenda kumusangano uyu kechipiri mumakore akateverana kubva zvavabviswa pachigaro.
Gore rapera havana kuenda pakongirezi yechimbi chimbi yekugadza VaMnangagwa mushure mekunge vapidigurwa pachigaro nemauto.
Musangano uyu uchapera nemusi weMugovera.
Facebook Forum