Zanu-PF iri kuita musangano wayo unoita kamwe chete mumakore mashanu we congress, uyo uri kutanga neChitatu mu Harare.
Dare guru re Zanu-PF, kana kuti politburo, rakatatombira neMuvhuro vanhu vakasarudzwa nematunhu aro ose munyika kuti vatore zvinzvimbo zvepamusoro mubato iri.
Mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vacharamba vari pachinzvimbo chavo.
Mutevedzeri wavo, Amai Joice Mujuru, vakadomwawo kuti varambe vari pachigaro ichi. Ukuwo matunhu ose akadoma sachigaro webato, Va John Nkomo, kuti vatore chinzvimbo chakasiiwa namuchakabvu Joseph Msika.
Matunhu eZanu-PF akadomawo mumiriri weZimbabwe ku South Africa, Va Simon Khaya Moyo, kuti vave sachigaro mutsva. Pakamboita mutauro apo mamwe matunhu akambodoma munyori anoona nezvemabasa eZanu PF, VaDidymus Mutasa, akzochinja otsigira VaMoyo.
Vanhu vakadomwa ava vanotarisirwa kutsigirwa pa congress iyi, pasina kupikisana kukuru, sezvo aya ari maitiro eZanu PF. Va Ephraim Masawi ndivo mutevedzeri wemutauriri we Zanu-PF. VaMasawi vanoti bato ravo ragadzirira zvese zvinodiwa kuitwa kuitira kuti musangano uyu ubudirire.
Asi nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti bato reZanu-PF chava churu chapinda nyoka mazuva ano. Nyanzvi munyaya dzvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti hapana zvakawanda zvavanotarisira kubva kuZanu PF, nokuti mubato iri hamuna kusununguka kwevanhu kukuru.