Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Inodzinga Amai Mutinhiri Mubato


Dare repamusoro soro muZanu-PF, rePolitiburo, radzinga mubato iri mutevedzeri wegurukota rezvevashandi, Amai Tracy Mutinhiri, richivapomera mhosva yekusatevedza bumbiro remitemo yebato iri.

Hutungamiri hweZanu-PF hwabva hwanyora tsamba kumutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, huchavaudza kuti vadzinge Amai Mutinhiri pabasa ravo muhurumende.

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF, VaDidymus Mutasa, ndivo vanzi vaudze Amai Mutinhiri nezvedanho ratorwa nebato.

Zanu PF yakatambira chikumbiro chedunhu reMashonaland East chekuti Amai Mutinhiri vadzingwe mubato sezvo vakange vasingatevedzi gwara nemitemo yebato.

Vane ruzivo nezviri kuitika muZanu-PF vanoti Amai Mutinhiri havana kuisa ruoko rwavo pabepa rekushoropodza zvirango uye havana kuvhotera sachigaro webato ravo, VaSimon Khaya Moyo, kuti vave mutauriri wedare reparamende.

Vanonziwo vange vachinyanya kudyidzana neMDC inotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti muZanu PF mune kuwirirana kukuru panyaya yaAmai Mutinhiri izvo zvapa kuti vadzingwe mubato iri.

Aai Amai Mutunhiri vanoti gurukota rezvevasori, VaSydney Sekeramai, ndivo vairwa hondo yekuti vadzingwe mubato.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaSekeremayi divi ravo pamashoko ataurwa naAmai Mutinhiri.

XS
SM
MD
LG