Bato reZanu PF rinoti raumba chikwata chichatungamirwa nemunyori wezvemabasa mubato iri, VaDydimus Mutasa, icho chichainda kumatunhu kunotaura nevatsigiri vebato iri zvichitevera kuputswa kwehutungamiri hwematunhu madiki, kana kuti District Cordinating Committes.
Zanu PF yakaputsa hutungamiri hwematunhu madiki nemusi weChishanu ichiti izvi zvichapedza makakatanwa aripo mubato.
Dzimwe nyanzvi mune zvematongero enyika dzinoti danho iri harina charichabatsira nacho sezvo makakatanwa ari muZanu PF, ari kumusoro kwebato kwete mumatunhu madiki.
Vatsigiri vebato iri havasi kuwirirana musarudzo dzakaitwa izvo zvakapa bato iri kuti ritume murongi wemisangano mubato, VaWebster Shamu, kunogadzirisa gakava iri pose parinenge rabuda.
Asi VaShamu havana kukwanisa kupedza mvongamupopoto iri mubato iri.
Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti danho ratorwa nebato ravo richabatsira zvikuru mukupodza gakava ranetsa.
Vari kutevera zviri kuitika mubato vanoti sarudzo dzematunhu madiki hadzina kufambiswa zvakanaka sezvo dzaiva nekubiridzira kusina ati amboona.