Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yodeura Ropa reVanhu muHarare


Pamuzinda wekanzuru yeguta reHarare padeuka ropa neChishanu apo nhengo dze Zanu PF dzanga dzichiratidzira paTown House, dzarova vanhu vanga vashanyira mahofisi aya, pamwe nevanga vachizvifambira zvavo. Nhengo dzeZanu PF dzinoti hadzisi kufara nekutemwa kwakaitwa chibage chevagari mumisha inogara veruzhinji yeKuwadzana ne Glenview.

Nhengo dzeZanu PF dzinodarika mazana maviri dzanga dzakatakura zvinyorwa zvanga zvakanzi “MDC Musateme Chibage chaGushungo”.

Sachigaro we district coordanating committee ye ZanuPF, Va Jaison Pashadi, vaudza Studio7 parunhare kuti mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, varasikirwa nemari inoita mamiriyoni makumi matatu nematatu emadhora zvichitevera kutemwa kwakaitwa chibage ichi.

VaPashadi vati VaMugabe ndivo vakatenga mbeu yechibage chose chakatemwa ichi. Asi vamwe vagari vanoti zviri kutaurwa naVaPashadi manyepo sezvo vachiti vakazvitengera mbeu yacho vega.

Vatori venhau vaitawo rutsoka ndibereke apo varatidziri ava vanga voda kuvarova pavanga vachida kutora nhau yezvaitika iyi. Vanhu vakawanda vanga vachingopfuurawo zvavo nepa Town House, varohwawo zvakawomarara.

Mumwe wevarohwa ava ndiAmai Sithembeni Chadamoyo, vanove murongi wemisangano yevanhukadzi muMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai.


Amai Chademoyo vati nhengo dze Zanu PF dzavarova zvakaipisisa hembe dzose dzikabvaruka zvokusara vave musvo ndokuzopihwa chokupfeka nemumwewo munhu anga achizvifambirawo zvake.

Mumwe arohwa ndiVaTsaurai Marima, vanove munyori mupurovhinzi yeHarare muMDC yaVa Tsvangirai. Va Marima vanoti vanga vaenda kunoona mumwe kanzura pavarohwa nenhengo dze Zanu PF idzi.


VaMarima vanoti varohwa mapurisa akavatarisa, uye vati mamwe mapurisa aya anga achitovabata kuti varambe vachirohwa nenhengo dzeZanu PF idzi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa, uye kuvawo neruzivo kana paine asungirwa mhirizhonga iyi.

Meya weHarare, VaMuchadeyi Masunda, vati varatidziri ava vatanga kuratidzira kwamaawa matatu.

VaMasunda vati vamwe vevaratidziri ava vapinda nepamahwindo ndokurova vashandi pamwe nevanhu vanga vauyawo zvavo kumahofisi ekanzuru.

VaMasunda vati kanzuru haina kumbobuda nechisungo chekuti vanhu vekuKuwadzana nekuGlenview vatemerwe chibage chavo. Vatiwo vakatema chibage ichi vaifanira kusiya vanhu vakohwe zvavakarima. VaMasunda vati makanzura ose anga ari pazororo pakaitika izvi, nokudaro kanzuru yavo inofanira kusiyiwa ichiita basa rayo pasina anopindira mumafambisiro ainoita basa.

Makanzura eMDC, anove iwo akawanda mukanzuru yeHarare, anoti mapurisa ndiwo akatuma vamwe vevashandi vekanzuru kunotema chibage ichi.

Vashandi vekanzuru gumi nevanomwe, avo vakasungwa svondo rino nenyaya yekutema chibage, vanonzi vaburitswa muchitokisi neChishanu. Mapurisa epakamba yeKuwadzana anonzi ati nyaya iyi haisati yapera sezvo vachaenderera mberi nekuferefeta nyaya iyi.

XS
SM
MD
LG