Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoronga Kutora Mamwe Mapurazi Ichipa veChidiki


Zanu PF Conference
Zanu PF Conference

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, vakurudzira bazi rinoona nezveminda pamwe nekurima kuti ritore mimwe minda rigovere vechidiki veZanu PF vavanoti havana pekurima pakakwana.

Vachitaura pamusangano wavaita nevechidiki vebato ravo pamwe nevemakambani anogadzira mbeu waitirwa pamuzinda webato reZanu PF pamberi pemusangano wepagore webato iri, uyo wakatarisirwa kuitwa kuGoromonzi, VaMohadi vati vechidiki ndivo musimboti hwehupfumi wenyika saka vanofanira kupihwa minda kuti vawane pekurima.

VaMohadi vakurudzira bazi rinoona nezveminda nekurima kuti ritore mamwe mapurazi ripe vechidiki vebato ravo ava kuti vawane pekurima.

Asi rimwe gweta remuHarare, VaKudzayi Kadzere, vati zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanira kupihwa mikana yakaenzana zvisinei nekuti munhu anobva kubato ripi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hupfumi hwenyika hwakatanga kuwira pasi pakatangwa chirongwa chehurumende chekugovera ivhu kuvatema zvisina tsarukano muna 2000 ichipa vanhu vasina mari pamwe nezvekushandisa muminda.

Kutorwa kwakaitwa minda uku kwakaitwa zvine mhirizhonga zvakaita kuti vamwe varimi vechichena varasikirwe nehupenyu hwavo.

Chirongwa chekugovera vatema ivhu chinonzi nesangano reCommercial Farmers Union chakakonzera kuti varimi vanodarika zviuru zvina varasikirwe nemapurazi pamwe nemidziyo yavo uye vashandi vavo vasare vasina chokubata.

VaMohadi vakurudzira vechidiki kuti vave nehukama nevemakambani anogadzira mbeu avo vachange vaine zviratidzwa zvezvavanogadzira pamusangano wepagore weZanu PF uchaitirwa kuGoromonzi.

Zvichakadai, mutungamiri weboka revechidiki muZanu PF reYouth League, VaPupurai Togarepi, vaudza vechidiki vebato ravo kuti vadzosere zvikwereti zvavanenge vapihwa nemabhanga anenge avakweretesa mari yekuti varime.

Bhanga reEmpower Bank riri kupa vechidiki mari yekurimisa vasina chibatiso kubhanga iri kana kuti collateral izvo zvatendwa naVaTogarepi.

VaTogarepi vati vanenge vapihwa zvikwereti nemabhanga vakadzosera zvinoita kuti hukama hwavo nevemabhanga ava husimbaradzwe.

Pataenda pamhepo, komiti yepamusoro yeZanu PF yePolitburo yanga iri mumusangano ichizeya nyaya dzichange dzichikurukurwa nezvadzo pamusangano wepagore webato iri uri kutarisira kuparurwa nemutungamiri webato iri uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemusi weChishanu kuGoromonzi mudunhu reMashonaland East.

Zvichabvumiranwa mumusangano uri kuitwa wePolitburo uyu zvichazeyewawo zvakare mangwana nekomiti yepamusoro-soro pakati pemakongiresi muZanu PF, yeCentral Committee, pamusangano wakatarisirwa kuitwa pamuzinda webato iri mangwana.

Mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya , vakaudza vatori venhau nezuro kuti bato ravo ragadzirira zvakakwana musangano wepagore uyu uye vanoti vari kutarisira kubuda nezvisungo zvakawanda zvinobata nyaya dzehupfumi hwenyika, zvematongerwo enyika pamwe nemamiriro akaita zvinhu mubato ravo.

Musangano uyu uri kutarisirwa kupindwa nevanhu vanodarika zviuru zvishanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG