Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoramba Yakamira naVaMohadi, Izvo Zviri Kushorwa neVarwiri veKodzero


FILE PHOTO - On Dec. 28, 2017, Zimbabwe’s newly appointed vice president Kembo Mohadi reacts as he looks on during the swearing-in ceremony in Harare.

Bato reZanu PF rinoti VaKembo Mohadi vacharamba vaine chinzvimbo chavo kubato ravo reZanu PF kunyange hazvo vakasiya basa semutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wePolitburo, mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vati kusiya basa kwaVaMohadi hakusi kuzokanganisa chigaro chavo mubato reZanuPF.

VaMohadi, avo vakasiya basa nemusi weMuvhuro mushure mekubuda kwemashoko ehupombwe hwavanonzi vaiita, vapinda nhasi musangano wePolitburo yeZanu PF.

Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vaudza musangano wePolitburo nhasi mangwanani kuti vakatambira kusiya basa kwaVaMohadi muhurumende asi vachiti zvange zvisiri zvinhu zvavanga vachitarisira.

VaMnangagwa havana zvavataura nezvikonzero zvakaita kuti VaMohadi vasiye basa izvo zvashorwa nevanorwira kodzero dzemadzimai pamwe nevemapato anopikisa.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, hazvishamisi kuti Zanu PF inoramba yakaisa VaMohadi pachinzvimbo chomubato nokuti bato iri hariremekedzi kodzero dzevanhu.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, re Justice for Women, Muzvare Cozet Chirinda, vati zvinovatambudza zvikuru kuti mutungamiriri wenyika haana kushoropodza zvakaitwa naVaMohadi zvakapa kuti vasiye basa.

Imwe nyazvi munezvematongerwo enyika vachishanda nesangano rePlatform for Youth Development, VaOwen Dhliwayo, vatiwo vashorawo kuramba kwaVaMohadi vaine chigaro chavo kubato vachiti zvinoratidza kuti bato iri harina hany’a nechimiro charo.

VaMohadi vakasiya basa vachipomerwa mhosva dzekuita zvepabonde nemadzimai akawanda kusanganisira madzimai akaroorwa.

Nyaya idzi dzakaburitswa mubepanhau repaindaneti reZimLive kunyange hazvo VaMohadi vakati zviri kubuda izvi hazvisi zvechokwadi.

VaMohadi vaita munhu wekutanga muhurumende kusiya basa mushure mekupomerwa nyaya dzehupondwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG