Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoramba Kubvisa Mari kuKanzuru yeMasvingo


Nhengo dze Zanu PF dziri kufamba nemotakari dzakanamirwa maposita emutungamiriri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, vanonzi vari kuramba kubhadhara mari yekupaka motokari dzavo muguta.

Vashandi vekanzuru vanoita basa rekubhadharisa vatyairi vemotokari vanoti vatsigiri veZanu PF vari kuva shungurudza sezvo mutemo uchiti munhu wose anofanira kubhara mari iyo inozoshandiswa nekanzuru kugadzirisa migwagwa mudhorobha.

Varidzi vemotokari vanobhadhariswa masenzi makumi mashanu pamaminetsi makumi matatu, kana dhora paawa imwe chete kuti vapake motokari dzavo.

Vamwe vevashandi vataura neStudio7 asi varamba kudomwa mazita avo nekutyira hupenyu hwavo vanoti vatsigiri veZanu PF vari kufamba ne motokari dzakanzi #ED has my Vote vari kuramba kubvisa mari idzi.

"Isu vashandi vekanzuru mashandiro edu ari kurwadza nekuti period yatapinda ndeye ma elections zvekuti vanhu vari kufamba vane motokari dzakanamirwa ma sticker akanzi ED has my vote emutungamiriri wenyika vakasvika pama bay varikuramba kubhadhara parking vachiti tisu vebato riri kutonga, izvi zvakunzoeresa kuti vamwe wo vanhu varambe kubhara avchiti ve party havasi kubhadhara," adaro mumwe mushandi.

Vamwe vashandi vanoti vanotya kusunga motokari idzi neganjo(clamping), dzinenge dzaramba nekuti Zanu PF inozivikanwa nemhirizhonga nekudaro vanotyira hupenyu hwavo.

Vagari veMasvingo vari kunyunyuta nemaitiro aya vachiti ivo vakaramba kubhadhra mota dzavo dzinosungwa neganjo votadza kufamba.

Mukuru webasa kuMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance, VaAnoziva Muguti, vashoropodza zviri kuitwa neZanu PF, vachiti zvinotyora mitemo yenyika.

Meya weGuta reMasvingo, VaHubert Fidze, vati nyaya iyi yava kwavari uye vachatora matanho sekanzuru.

"Tiri kunzwa nyaya iyo saka tiri kuti kuvana vedu ma marshal vatipe ma reports aiwawo then ini ndichaenda nawo kukanzuru, ndozotaura neve Zanu PF ende chinondishamisa ndechekuti munhu anosvika pakushandisa zita re President ED Mnangawa achiramba kubhdhara 50 cents chaiyo," vadaro VaFidze.

Mutauriri weZanu PF muMasvingo, VaRonald Ndava, vaudza Studio7 parunhare kuti manyepo ari kutaurwa nevashandi vekanzuru vachiti bato ravo rine vanhu vane hunhu vasingaite zvisina basa nezita remutungamiri wavo.

Vashandi vekanzuru vanoti nekuwanda kwaita motokari dzebato reZanu PF, kanzuru inogona kurasikirwa nemari yakwanda kana mokokari idzi dzisingabhadhare mari sezvinoitwawo nevamwe vatyairi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG