Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yomutsiridza Zvikwata Zvekushungurudza Vanhu?


Vechidiki veZanu PF
Vechidiki veZanu PF
Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinoti bato reZanu PF ratanga kumutsiridza zvikwata zvevechidiki zviri kushungurudza vanhu mumaguta nemaruwa akawanda emunyika, pamberi pemusangano weSecond All Stakeholders Conference pamwe nesarudzo dziri kutarisirwa gore rinouya.

Ongororo yakaitwa nesangano iri inoti vechidiki veZanu PF muHarare vamutsiridza chikwata cheChipangano, kuChinhoyi kune chinonzi “Top Six”, “Jochomondo” kuHurungwe, “Alshabab” kuKwekwe uye “Jambanja” kuMaramba-Pfungwe.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaNixon Nyikadzino, vanoti vakatora mwedzi mumwe chete vachiita ongororo iyi, uye vakaonawo zvakare kuti Chipangano chapararira mumatunhu akawanda emunyika.

Chikwata cheAlshabab chinonzi chiri kushungurudza vemabhizimusi nemisika vakawanda muKwekwe, sezvinonzi zviri kuitwa nechimwe chikwata chakanyuka muHarare cheMandimbandimba.

Zvikwata izvi zvinonzi zviri kufamba zvakapfeka mbatya dzebato reZanu PF.

Asi sachigaro wevechidiki veZanu PF mudunhu reHarare, VaJim Kunaka, varamba mashoko ari kuburitswa nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition aya, vachiti vanhu vari kuda kusvibisa zita rebato ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG