Accessibility links

Breaking News

Murume Akabuda Muvhidhiyo Achirova Madzimai Odyirwa Gaka


Mumwe wemadzimai akarohwa nenhengo yeZanu PF kuLions Den

Mushandi mukuru weZanu PF mudunhu reMashonaland West, VaFaniie Chikomba, vapinzwa panguva yakaomarara zvichitevera kupindira kwaita bato ravo pamwe nekomisheni yeZimbvabwe Gender Commission nemasangano anorwira kodzero dzevanhukadzi ayo asiri kufara nekurohwa kwakaitwa madzimai emudunhu reMashonaland West naVaChikomba.

Zvichitevera kubuda kwevhidhiyo inoonekwa VaChikomba vachirova pamwe nekudyisa madzimai aya mhiripiri, sachigaro weZimbabwe Gender Commisssion, Amai Virginia Muwanigwa, vati komisheni yavo iri kushushikana zvikuru nezvavakaona muvhidhiyo iyi, uye vanoda kuti mapurisa aferefete nyaya iyi.

Amai Muwanigwa vati kunyange hazvo komisheni yavo isingakurufdzire kuti vanhu vaise mitemo mumaoko avo, inoshora zvikuru zvakaitwa naVaChikomba.

Amai Muwanigwa vati VaChikomba vaifanirwa kunge vakaenda kumapurisa mushure mekunge vabirwa, kwete kuti vaise mutemo mumaoko avo vachiranga madzimai aya.

Amai Muwanigwa vati VaChikomba vakapara mhosva yekurova madzimai aya, nokudaro vanofanirwa kusungwa nemitemo yenyika.

Sachigaro wesangano remubatanidzwa wemasangano anomiririra madzimai munyika reWomen’s Coalition of Zimbabwe, Amai Ronika Mumbire, vati vari kushushikana zvikuru nenyaya yekushungurudzwa kwemadzimai aya.

Amai Mumbire vati havakurudzire kuti vanhu vabe, asi kana izvi zvaitika, pane nzira dziri pamutemo dzingadai dzakatevedzerwa naVaChikomba.

Amai Mumbire vati vanotarisira kuti mutemo uchashandiswa zvizere
pana Vachikomba.

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato reZanu PF, VaPatrick Chinamasa, vashoropodza zvakaitwa naVaChikomba vachiti mapurisa anofanirwa kuita basa ravo kana paparwa mhosva, zvisineyi kuti ndiyani apara mhosva iyi.

Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatswayo, vati sebato vanoshoropodza kushungurudzwa kwemadzimai nenhengo
yeZanu PF iyi vachiti nyaya dzekuba dziri kukonzerwa nekutadza kutungamiririra kweZanu PF, sezvo vanhu vasina chikafu chakakwana.

Mumwe wemadzimai akadyiswa mhiripiri nekurohwa naVaChikomba, Amai Lucia Mburuma, avo vane pamuviri pane mwedzi minomwe, vanoti kubva pavakadyiswa mhiripiri naVaChikomba, vari kurwadziwa zvekuti vari kufunga kuti nhumbu yavo ingangobva.

Amai Mburuma nemamwe madzimai manomwe vakaonekwa vari mumunda waVaChikomba vachifurirachibage.

Pavhidhiyo yakatanga kuonekwa neveruzhinji nemusi weChitatu, madzimai aya anoonekwa achirohwa naVaChikomba, pamwe nekutanga vadyiswa mhiripiri vasati varohwa.

Mumwe wevakarohwa musi uyu, Amai Portia Atoni, vati manyepo kuti vaiba chibage asi kuti vainhonga chibage chainge chakadonhera pasi mushure mekunge chibage chemumunda uyu chakohwewa.

Amai Atoni vatiwo pavakaridzirwa pfuti vanhu vakawanda vakatiza ivo
ndokuzonzi chibage chainge chasiyiwa nevamwe vanhu chainge chiri
chavo.

Patavabvunza kuti sei vasina kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa, Amai
Atoni vati vakatya sezvo vainge varohwa uye kuti vaizonzi vainge vaenderei kumunda wemunhu.

VaChikomba vabvuma kuti vakarova nekudyisa madzimai aya mhiripiri vachiti vainge vashatiriswa nekubirwa chibage nembatatisi mumunda wavo.

VaChikomba vatiwo Havana kuenda kumapurisa nekutihapana zvazvinoyamura sezvo kumapurisa vanhu vanenge vaba vachibhadhariswa mafaindi emari shoma kudarika kukosha kwezvavanenge vaba.

Kunyange hazvo pane vanhu vanonzi vakaenda vakanobvunzurudza madzimai aya mushure mekubuda kwevhidhiyo vachirohwa, mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, Assistant Inspector Ian
Kohwera,vati havana ruzivo pari zvino kuti pane mapurisa
akanobvunzurudza madzimai aya.

Nyaya yekurohwa nekudyiswa mhiripiri kwemadzimai aya naVaChikomba
yakatanga kubuda nemusi weChitatu pavhidhiyo yekatenderera pamaWhatsApp izvo zvakapa kuti vanhu vakawanda vagunun’une zvikuru nezvavakaona pavhidhiyo iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG