Accessibility links

Breaking News

Zanu PF neMDC-T Dzopesana paMutemo Mutsva weSarudzo


scan from 4x5 color transparency
scan from 4x5 color transparency

Pane maonero akasiyana siyana pamusoro pehurongwa hutsva huri kuda kushandiswa nehurumende panguva yesarudzo, uhwo hwunobvumidza munhu kuvhotera chete panzvimbo iri pedyo nepaanogara.

Vamwe vanoti hurongwa huri mubhiri reElectoral Amendment Bill, kana huchinge hwatambira semutemo neparamende, hwakanakira kuti vaya vanoda kubiridzira sarudzo nekuvhota kakawanda, havazozvikwanisi sezvo vachizoshayikwa pagwaro revavhoti.

Asi vamwewo ndivo vari kuti hurongwa uhu hunovhiringa kodzero yemunhu yekuvhota, sezvo pachityirwa kuti vemamwe mapato vanogona kuzoshandisa mukana uyu kutadzisa vamwe kuvhota kuburikidza nemhirizhonga, kuitira kuti vatadze kuvhota kana zuva rekuvhota rikasvika ivo vatiza misha yavo.

Hurongwa hutsva uhu hunoda kuiswa nechinangwa chekudzivirira zvaiitika musarudzo dzapfuura zvakaita sekutakurwa kwevanhu kubva mune mamwe matunhu vachinovhota kune dzimwe nzvimbo dzinenge dzichiratidza kuti rimwe bato rinogona kukundwa musarudzo.

Mutemo mutsva uyu uchange wopawo vasingaone mukana wekutsvaga vanhu vavanoda kuti vavabatsire pakuvhota, kwete kuti vabatsirwe nemapurisa kana vashandi vanenge vachivhotesa vanhu.

Kana bhiri iri rikatambirwa, mapurisa anenge asisabvumidzwe kupinda munzvimbo yekuvhotera, uye dare rinoona nezvesarudzo, richapihwa masimba akawanda.

Munyori anoona nezvesarudzo muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaSeiso Moyo, vanoti danho iri rakanaka zvaro asi dai raitwa kuti vanhu vabvumidzwe kuvhotera chero panzvimbo iri muwadhi mavo.

Mukokeri wenhengo dzeZanu PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, vanotiwo danho iri rakanaka chose sezvo richitadzisa vanobva kunzvimbo dzekunze kwedunhu iri kubiridzira kana kukonzera mhirizhonga, sezvo vanhu vemunzvimbo imwe chete vachinyarana.

XS
SM
MD
LG