Accessibility links

Breaking News

Vakuru muZanu PF Votyisidzira Kuita Mhirizhonga Kana VaTsvangirai Vakakunda Musarudzo


Vakuru vakuru mu Zanu-PF nekumauto vava kugara vakataura mashoko ekutyisidzira kuti munyika muchaita mhirizhonga isionekwi kana mutungamiri we MDC, VaMorgan Tsvangirai, vakakunda musarudzo dzegore rinouya.

Mumwe mukuru wemauto, Major-General Douglas Nyikayaramba, vanonzi vakaudza mauto muHarare mazuva mashoma apfuura kuti nyika iri panguva yakaoma nepamusana pe MDC iyo vanoti iri kushandiswa nenyika dzekumavirira idzo dziri kuifurira kuti idzosere nyika kumashure, zvikuru sei munyaya dzevhu.

Svondo rapera, gurukota rezvemitemo, Va Patrick Chinamasa, nemutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vakaudza vatori venhau veBritish Broadcasting Corporation, BBC ne E-News muSouth Africa kuti munyika mungangoita chitsvuku kana VaTsvangirai vakadzorera ivhu kuvachena kana vachinge vakunda musarudzo gore rinouya.

Munyori anoona nezvekudyidzana kwe MDC nedzimwe nyika, Va Jameson Timba, vanoti mashoko ekuvhunditsira vanhu aya ari kubva kuvanhu vashoma avo vati vanopenga mu Zanu-PF vachiti hapana mauto ari kuzofa akarambidza VaTsvangirai kutonga kana vachinge vakunda musarudzo.

Vachinyora mubepanhau re Herald, vanofungidzirwa kuti mutauriri wa Va Mugabe, uye vari munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, Va George Charamba, vachishandisa zita rekuti Nathaniel Manheru, vakati pane zvizhinji zviri kuitwa mu MDC zvinoita kuti vechiuto vataure mashoko akadai.

Vakatiwo sarudzo dzegore rinouya dziri kutariswa nevachena semukana wekudzoka nawo mu Zimbabwe kunotora zvakare minda.

Nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika yakazvimirira, Va George Shire, vanoti zvinoda kuongororwa zvikuru kuti chii chiri kuitwa ne MDC yaVa Tsvangirai zviri kukonzera kuti mauto afunge zvinotyisa zvakadai.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG