Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoshoropodza Kurwiswa kweLybia


America nedzimwe nyika dzekumawirira dzairi kubatsirana nadzo mukuona kuti Lybia yatevera chisungo chekuti isashandisa ndege dzayo dzehondo mukurwisa vanhu venyika iyi vari kupikisa hutongi hwemutungamiri wenyika iyi, VaMoammar Gaddafi, varwisa zvakare mizinda yehurumende yeLybia iri pedyo neguta guru reTripoli.

Ndege dzekumawirira dzadonhedza mabhambu munzvimbo dzakakomberedza Tripoli, izvo zvaita kuti mauto ari kutsigira VaGaddafi, adzosere nezvombo zvemuchadenga.

Mukuru wemauto eAmerica, Admiral Mike Mullen, vaudza nhepfenyuro dzemuAmerica kuti danho rekutanga rekurambidza ndege dzeLybia kubhururuka rakafamba zvakanaka.

VaGaddafi vapindura zviitiko izvi vachizivisa kuti vekumadokera vari kuvarwisa ava vakanga vazvisikira moto muziso, sezvo vari kuzovarwisawo muhondo yavanoti ndefu.

VaGaddafi vati zviri kuitwa nenyika dzekumavirira idzi hugandanga huzere, sezvo pasina chinangwa chiri pachena chingaita kuti America neshamwari dzayo vapindire munyaya dzenyika yavo.

Nhepfenyuro yeLybia inoti vanhu vanosvika makumi mana nevasere vakaurayiwa, vamwe zana nemakumi mashanu vakakuvadzwa pakatanga kurwisana uku.

Dare remubatanidzwa wenyika dzemuAfrica, weAfrican Union, riri kutevera zviri kuitika muLybia. African Union yakurudzira kuti kurwiswa kweLybia kumiswe nekukasika. Russia neChina dzaratidzawo kushushikana nekurwiswa kwenyika iyi.

Sangano reArab League riri kushoropodzawo kwarati kurwiswa kweLybia nenyika dzekunze. Papera svondo sangano iri rakumbira United Nations kuti idzike mutemo unorambidza ndege dzeLybia kubhururuka muchadenga menyika iyi.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vaudza Studio 7 kuti bato ravo riri kushoropodza zvikuru zviri kuitwa nenyika dzekumavirira izvi, vakati zvinotyora kodzero dzezvizvarwa zveLybia. VaGumbo vati izvi zvinoratidza kuti nyika idzi zvimbwasungata zviri kuda kuba mafuta eLybia.

Mutauri weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vatiwo nyaya yeLybia iri paviri, vachiti chekutanga mutungamiri wenyika haafanirwi kurambira pachigaro sechipikiri chakaroverwa, asi vatiwo bato ravo haritsigiri nyaya yekuti ropa rideurwe mukuedza kubviswa kwechipikiri ichi.

XS
SM
MD
LG