Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeZanu PF Yokurudzira Britain Kubvisira Zimbabwe Zvirango


Priti Patel Boris Johnson
Priti Patel Boris Johnson

Nhengo yeZanu PF inomirira Silobela muparamende, VaMtokozisi Mpofu, vari kukurudzira kuti hurumende yeBritain ibvisire zvirango zvakatemerwa hurumende yeZimbabwe senzira yekucherechedza mabasa ari kuitwa nanachiremba nevakoti vemuZimbabwe avo vari kufira kunyika iyi nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Vachitaura neStudio7 vari paCrossroads kuno kuSilobela, VaMpofu, avo vakafirwa nemukuwasha wavo masvondo matatu aiva mukoti kuUK, VaKhulisani Nkala, vanoti vakarwadziwa zvikuru nekufa kwakaita VaNkala kubudikidza nechirwere cheCovid-19.

Hanzvadzi yemufi, Muzvare Silungile Nkala, vanotiwo hanzvadzi yavo aive munhu aida basa rake zvakanyanya uye akanga akapikira kubatsira vose vanorwara.

VaMpofu vanotiwo chero zvazvo rufu uri murairo waMwari, hurumende yeBritain inofanira kubvisira hurumende yeZimbabwe zvirango senzira yekuremekedza zvizvarwa zveZimbabwe zvakafa nechirwere cheCovid-19 zvichirapa zvizvarwa zveBritain kuEngland kwakare.

VaMpofu vanotiwo mhuri dzevakoti vakafira kuBritain idzi dzinofanirawo kuripwa nehurumende yeko.

Hurumende yeZimbabwe inogara ichikurudzira nyika dzekumavirira dzinosanganisira America nemubatanidzwa weEuropean Union kuti dzibvise zvirango zvakatemerwa vamwe vatungamiri muhurumende yeZimbabwe vanosanganisira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevamwe.

Asi nyika dzekumavirira idzi dzinoti Zimbabwe inofanira kuremekedza kodzero dzevanhu pamwe nekuvandudza nyaya dzezvematongerwo enyika kuitira kuti dzigokwanisa kubvisa zvirango izvi.

Zvichakadai, rimwe gweta remuHarare, VaKudzai Kadzere, vati kuripwa kwemhuri idzi kunokwanisika chete kana vakoti nana chiremba vakafira kuUnited Kingdom ava vakanga vakanyorerana pasi zvakakwana nevashandirwi vavo kuUK ikoko.

Hatina kukwanisa kunzwa kuhurumende yeBritain nemuzinda wayo uri muHarare kuti matanho api achatorwa nehurumende yaVaBoris Johnson panyaya yezvirango nekuripwa kwezvizvarwa zveZimbabwe zvaiva mune zvehutano kuUK izvo zvakafa nechirwere cheCovid-19 zviri pabasa.

Asi hurumende yeBritain, kuburikidza negurukota rezvehutano, VaMatt Hancock, yakatozivisa svondo rapera kuti icharipa mhuri dzevafi vakarasikirwa nehupenyu vari pabasa vachibatsira vanhu vainge vabatwa neCovid-19 nemari inoita zviuru makumi matanhatu zvemapaunzi ekuBritain.

Kusvika parizvino pave nanachiremba nevakoti vemuZimbabwe makumi matatu nevana pamwe nevamwe gumi vanobatsira mukuchengetwa kwevarwere vakafa nechirwere cheCovid-19 vari pabasa kuBritain kwakare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG