Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Inoti Yaneta neNyaya dzeNhaurirano


Bato reZanu-PF rinoti raneta nenyaya yenhaurirano dziri kutungamirwa namutongi gava weSADC, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma.

Nhumwa dzaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu naVaCharles Ngakula vakapinda munyika neChipiri kuzoyedza kugadzirisa misariridzwa yeGlobal Political Agreement.

Muzvare Zulu naVaNgakula vakasangana neChipiri chakare nevamiriri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa.

Zanu-PF yaimirirwa negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, pamwe nemumiriri weTsholotsho muparamende, VaJonathan Moyo. Bato reMDC-T raimirirwa nemunyori mukuru webato iri, uye vari gurukota rezvemari, VaTendai Biti, gurukota rezvemhando dzemoto, VaElton Mangoma, ukuwo MDC diki ichimirirwa nemunyori mukuru webato iri, Amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga pamwe negurukota rinoona nezvekugarisana kwakanaka nekupodzwa kwemaronda, VaMoses Mzila-Ndlovu.

Zanu-PF inoti yatora danho iri nenyaya yekuti MDC-T iri kuramba ichikweva makumbo pakuzadzikisa zvinenge zvabvumiranwa. Asi aka hakasi kekutanga Zanu-PF ichiti yaneta nenhaurirano, asi iyo ichizoramba irimo.

Mutauriri webato iri, VaRugare Gumbo, vanoti vanotenderana nevari kutungamira bato ravo munhaurirano.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanotiwo zviri kutaurwa neZanu-PF hazvina nematuro ose nekuti ndiyo isiri kutevedza zviri muGPA.

Mutevedzeri wemutungamiri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaEdwin Mushoriwa, vanotiwo hapana anobuda munhaurirano nekuti ndidzo dzakaumba hurumende yemubatanidzwa.

Vaimbova mutauriri weZINASU uye vachishanda neNational Constitutional Assembly, VaBlessing Vava, vanoti Zanu-PF iri kuda kuti MDC ibude muhurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG