Accessibility links

Zanu PF Inotambira Kukundwa Musarudzo yeMutauriri weParamende

  • Jonga Kandemiiri

Bato reZanu PF rinoti riri kutambira zvakabuda musarudzo yemutauriri wedare reparamende yakaitwa neChipiri.

Sachigaro veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaLovemore Moyo, vakakunda sachigaro veZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, nemavhoti gumi nemaviri, sezvo VaKhaya Moyo vakaita mavhoti makumi mapfumbamwe nematatu, VaLovemore Moyo vachiita mavhoti zana nemashanu.

Zanu PF yakanga iine nhengo makumi mapfumbamwe nenhanhatu dzaikodzera kuvhota, MDC T iine nhengo makumi mapfumbamwe neshanu, kwotiwo MDC duku iine nhengo sere.

Izvi zvinoratidza kuti pane nhengo dzeZanu PF dzakavhoterawo VaLovemore Moyo.

NeChipiri pakamboitawo kunongedzana pakati peZanu PF neMDC vachipomerana mhosva yekuda kutenga mavhoti.

MDC T yaiti nhengo dzayo shanu dzakanga dzapihwa mari inoita zviuru zvishanu zvemadhora pamunhu kuitira kuti dzivhotere VaKhaya Moyo, muhurongwa hunonzi hwaitungamirwa nemumiriri weTsholotsho, VaJonathan Moyo.

Asi VaJonathan Moyo vakati aya manyepo.

Mukokeri weZanu PF muparamende, VaJoram Gumbo, vaudza Studio 7 kuti vakapinda zvavo musarudzo idzi vachitoziva kare kuti vanokundwa sezvo MDC yaVaWelshman Ncube yakanga yatozivisa kare kuti ichavhotera VaLovemore Moyo.

Mukokeri weMDC T muparamende, VaInnocent Gonese, vatiwo bato ravo riri kufara chose nezvakabuda musarudzo, uye nekusarudzwa kwakaitwa nhengo yavo nemapato ose aive mudare umu.

XS
SM
MD
LG