Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inoramba Kuti Yaparura Chirongwa cheOperation Guramusoro


Nhepfenyuro ye Radio Voice of the People yakaburitsa neChina nyaya inoti Zanu-PF yakaparura hurongwa hunonzi "Operation Guramusoro" iyo ichange ichigura misoro yevanhu vanotsigira MDC musarudzo dzingangoitwa gore rinouya.

Nhepfenyuro iyi inoti mumwe mukuru we ZANU-PF mu Mashonaland Central anoti vechidiki ndivo vachange vachishandiswa muhurongwa uhwu sezvakaitika muna 2008.

Asi sachigaro we Zanu-PF ku Mashonaland Central, Va Dickson Mafios, vati aya manyepo nekuti bato ravo hariiti zvemhirizhonga.

Va Joy Mabenge ndivo maneja vebazi re Democracy and Governance musangano re Institute for a Democratic Alternative Zimbabwe. Va Mabenge vati kana chiri chokwadi kuti ndihwo hurongwa hune Zanu-PF, zvinoreva kuti bato iri rava kuda kutanga kutyisidzira vanhu sarudzo dzisati dzasvika.

XS
SM
MD
LG