Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF neMDC-T Dzotashurana paNyaya yeMarezenisi eKutepfenyura


Mapato makuru maviri ari muhurumende yemubatanidzwa haasi kuwirirana pamafambisirwo enyaya yekupa nhepfenyuro itsva mvumo yekushanda munyika.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, MDC-T, inoti haisi kufara nemadomerwo akaitwa nhengo dzebhodhi reBroadcasting Aithority of Zimbabwe, BAZ, negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Va Webster Shamu.

MDC-T inoti VaShamu vakaita izvi vega vasina kutura nyaya iyi kuvatungamiri vatatu vakanyorerana chibvumirano cheGlobal Political Agreement, icho chakaumba hurumende yemubatanidzwa.

Vatungamiri vatatu ava ndiVaMorgan Tsvangirai veMDC-T, VaRobert Mugabe ve Zanu PF, pamwe naVaArthur Mutambara, avo vakapinda muhurongwa uhu vachimirira chikwata chidiki cheMDC mazuva iwayo.

Pari zvino VaMutambara havana bato ravari kumirira zvichitevera kusarudzwa kwakaitwa VaWelshman Ncube semutungamiri mutsva, kunyange hazvo VaMutambara vari kurambira pachigaro.

Pasi pechibvumirano cheGlobal Political Agreement chakanyoreranwa pasi makore matatu apfuura, hurumende inofanira kupa marezinesi ekutepfenyura aya nechimbi chimbi. Asi kusvika pari zvino hapana kana kambani yati yapihwa rezenisi.

Pari zvino ZBC chete ndiyo inotepfenyura iri munyika, kozotiwo nhepfenyuro dzakaita se Studio 7, SW Radio Africa neRadio VOP, dziri kutepfenyura dziri kunze kwenyika.

Mumakore gumi apfuura, boka rinopa marezinesi reBroadcasting Authority of Zimbabwe, kana kuti BAZ, rinoti rakaramba kutambira zvikumbiro zvemakambani mashanu zvekuda marezinesi nenyaya yekuti makambani aya aisazadzikisa zvinodiwa neBAZ.

Mukuru weBAZ, VaRobert Maganyura, vakaudza dare reparamende muna Chikumi kuti vainge vachida kupa marezinesi gumi nemashanu muna 2004, asi hapana akabudirira.

Gore rino muna Chivabvu BAZ yakashambadzirazvakare kuti vanhu vanyorese kana vachida kutepfenyura. Makambani anosvika gumi nemashanu, kusanganisira Radio VOP, ndiwo akanyorera kuti apihwe marezenisi, asi kusvika pari zvino BAZ haisati yapa marezinesi makambani aya.

Vamwe vanoti chiri kunetsa inyaya yeZanu-PF yekuda kuti vanhu vasaziwe chokwadi.

Nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaNoel Mandebvu veZanu-PF, vanoti hurumende yakazvipira kupa marezenisi aya, asi inopa chete makambani anokodzera.

Imwe nhengo yekomiti iyi, VaPishai Muchauraya veMDC-T, vanoti hurumende inotya kupa marezenisi kumakambani akazvimirira nokuti inotya kuti veruzhinji vanozopedzisira vonzwa chokwadi chisingataurwe neZBC.

XS
SM
MD
LG