Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inokwidza Nyunyuto kuJOMIC Pamusoro peMashoko aVaBiti


Nekusafara nemashoko anonzi akataurwa nemunyori mukuru weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti, pamusoro perufu rwevaimbove mukuru wemauto, VaSolomon Mujuru, bato reZanu PF ranyora gwaro renyunyuto kuJOMIC.

Zanu PF inoti mashoko aVaBiti avakataura kwaMutare anotyora chibvumirano cheGlobal Political Agreement, uye anopa kuti vanhu vasagarisane mubato iri.

VaBiti vanonzi vakaudza vatsigiri vebato ravo kwaMutare masvondo maviri adarika kuti bato reZanu PF raizivikanwa nemhirizhonga, uye rakanga rava nenzira itsva yekugocha vanhu.

Mutauriri weJOMIC, VaJoram Nyathi, vaudza Studio7 kuti mutsamba yayo yenyunyuto, Zanu PF iri kuti mashoko aVaBiti haana kufanira kunge achibva mumuromo wemunhu mukuru akadaro.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti vanowirirana nedanho ratorwa neZanu PF sezvo ichifanirwa kuzvichenura kubva kumashoko akawanda ari kungotaurwa nevanhu pamusoro pefiro yaVaMujuru.

XS
SM
MD
LG