Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inodoma VaJonathan Moyo Kuenda kuJOMIC


Bato reZanu PF rakadoma nhengo yePolitiburo, VaJonathan Moyo kuti vave mumwe wevanomirira bato iri muJoint Monitoring and Implementation Committee, kana kuti JOMIC.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo vaudza Studio 7 kuti VaMoyo vachange vachitsiva chinzvimbo chiri kusiiwa nerimwe remakurukota ezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, avo vanonzi vakaona zvisina kukodzera kuti vange vari muJOMIC, panguva imwe chete vari gurukota rezvemukati menyika.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kupinda kwaVaMoyo muJOMIC hakuna zvikuru zvakunoshandura, asi chete kungoti havasi munhu angatarisirwa kushanda neboka rakaita seiri kana zvichitariswa mashoko ekunyomba mamwe mapato, zvikuru MDC inotungamirirwa naVaMorgan, Tsvangirai avanombotaura kana kunyora mumapepanhau ehurumende.

Vamwe vari kumirira Zanu PF muJOMIC ndimuzvare Oppah Muchinguri, VaNicholas Goche pamwe naVaPatrick Chinamasa.

Mutauriri weJOMIC, VaJoram Nyathi vatenda
Kuti boka ravo rakatambira tsamba yakabva kuZanu PF ichi zivisa nezvedanho rekudomwa kwaVaJonathan Moyo kuJOMIC.

XS
SM
MD
LG