Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Inoti Haina Mari Muhomwe Dzayo


Zanu-PF, iyo iri kutsika madziro panyaya yekuti sarudzo dziitwe gore rinouya, inoti haina mari uye iri kurarama nemari dzekukwereta kumabhanga.

Izvi zvakaburitswa kumusangano wepagore webato iri uri kuitirwa muBulawayo.

Bazi rinobata homwe yebato rinoti gore rino rainge rashandisa mari inopfuura mamiriyoni matanhatu emadhora, kunyange hazvo rakawana mari inoita mamiriyoni mana chete emadhora.

Kunyange hazvo homwe dzeZanu PF dzakabooka, vamwe vakuru mubato iri vari kuti sarudzo dzenyika dzinofanirwa kuitwa gore rinouya nekuti hurumende yemubatanidzwa haisi kushanda zvachose.

Asi vamwe vari kumusangano uyu vanoti zvakaoma kuti bato iri rikwanise kuronga sarudzo gore rinouya.

VaMugabe vanotiwo hurumende yemubatanidzwa yasvika kwamvura yacheka makumbo nokudaro sarudzo dzinofanirwa kuitwa gore rinouya.

Mashoko aya anotsigirwawo nasachigaro webato iri, VaSimon Khaya Moyo, avo vari kusimbaradza nyaya yekuti sarudzo dziitwe gore rinouya senzira yekubvisa hurumende yemubatanidzwa.

Pasi pechibvumirano chakavaka hurumende yemubatanidzwa, Zimbabwe inofanirwa kutanga yanyora bumbiro idzva remitemo yenyika pasati paitwa sarudzo.

Kunyorwa kwebumbiro idzva kwaifanirwa kunge kwakaitwa mukati memwedzi gumi nemisere kubva pakagadzwa hurumende yemubatanidzwa.

Asi iye zvino pava nemwedzi makumi matatu nemina kubva pakagadzwa hurumende yemubatanidzwa muna Kukadzi 2009, uye bumbiro idzva iri harisati rapera kunyorwa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi yakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanoti Zanu-PF chaingatoita chete kutora mari yemangoda ichiita zvehuori kuitira kuti ikwanise kutsvaga rutsigiro munguva yesarudzo.

XS
SM
MD
LG