Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeZanu PF Dzoratidzira Dzichiti Sarudzo dzeMubato Ngadzidzokororwe


Supporters of Zimbabwe's incoming leader Emmerson Mnangagwa wait for his arrival at the Zanu PF Headquarters in Harare, Nov, 22, 2017.
Supporters of Zimbabwe's incoming leader Emmerson Mnangagwa wait for his arrival at the Zanu PF Headquarters in Harare, Nov, 22, 2017.

Dzimwe nhengo dzeZanu PF dzaratidzira pamuzinda webato iri dzichiti dziri kuda kuti sarudzo dzekutsvaga nhengo dzichamirira bato ravo musarudzo dzenyika dzidzokororwe zvichitevera kusafamba zvakanaka kunonzi kwakaita sarudzo idzi.

Dzimwe nhengo dzeZanu PF dzinobva munzvimbo dzakasiya-siyana dzaungana pamuzinda webato iri neChina mangwanani padzaratidzira dzakatakura zvinyorwa zvakasiya-siyana dzichiti hadzisi kufara nemafambisirwo akaitwa sarudzo dzema primary mubato radzo.

Vanhu ava vaimba zvakaomarara vachiti sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato kuHatfield, Goromonzi North, Goromonzi South, Mbare, Harare South nedzimwe nzvimbo dzinofanira kudzokororwa sezvo dzichiti sarudzo idzi hadzina kufamba zvakanaka.

Mumwe wevanga vachiratidzira ava, VaWilson Nyamuchena, avo vanogara kuHatfield, vaudza Studio 7 kuti VaDanny Masukume havana kukunda musarudzo dzavakaita neMuvhuro vachiti VaDaniel Makanga ndivo vakanga vachidiwa nevatsigiri vakawanda.

VaNevson Dube vanotiwo vanhu vakawanda vakarambidzwa kuvhota pasarudzo idzi munzvimbo dzakawanda vachiti vanhu vave kunzi vamirire bato iri musarudzo vanhu vasina rutsigiro rwenhengo dzebato.

Amai Beula Chinyika vanotiwo kuGoromonzi kwakaitika mashura apo Amai Petrolla Kagonye vanove gurukota rinoona nezvevashandi vakanzi ndivo vakunda musarudzo ivo vachinzi vakanga vakundwa.

Mumwe wevabva kuGoromonzi kuzoratidzira pamuzinda weZanu PF, VaGenius Garande, vati Amai Kagonye vakabirira VaOzwell Gwanzura zviri pachena vachiti migoro yakange yakatakurirwa mavhoti yakambobuditswa mumba yaaiverengerwa ikazodzoka zvave kunzi ndivo vakunda.

Muzvare Tracy Nyamapfeni vekuMbare vatiwo kubirirwa kwakaitwa sarudzo kwakaitwa kuchishandiswa mapurisa ayo anonzi ndiwo aivhotesa vanhu musaridzo dzeZanu PF idzi.

VaTendai Savanhu ndivo vari kunzi vakakunda kuMbare asi vatsigiri vebato iri vanoti VaSavanhu vakangodzimikirwa kuvanhu ivo vakundwa musarudzo.

Vamwe vakakundwa musarudzo idzi ndiVaChristopher Mutsvangwa vanove mukuru wesangano revaimbova varwi vehondo yerusununguko uye vari chipangamazano muhofiis yemutungamiri wenyika.

VaMutsvangwa vaudza Studio7 parunhare kuti havasi kufara nemafambisirwo akaitwa sarudzo kuNorton uko kwavaikwikwidza vakati vachiri kubanatidza humbowo hunoratidza kuti sarudzo dzakabirirwa sei ku Norton hwekuratidza murongi wemisangano mubato ravo, VaEngelbert Rugeje.

Vanga vachiratidzira ava havana kukwanisa kuona VaRugeje avo vanga vachinzi vari muhofisi mavo vachitambira zvichemo zviri kunzvimbo dzakasiyana-siyana munyika yose uko kunonzi sarudzo idzi hadzina kufamba zvakanaka.

Patavabata parunhare, VaRugeje vati vari mumusangano vakati tigozovafonera mukupera kwezuva.

Varatidziri ava vatiwo kana nhuna dzavo dzikasatambirwa vanogona kuvhotera mapato anopikisa musarudzo dzenyika dzakatarisirwa kuitwa mumwedzi mishoma iri kutevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG