Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yorambidza ANC Kuona Mamwe Mapato muZimbabwe


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Bato reZanu PF rinoti chikwata chebato riri kutonga kuSouth Africa reAfrican National Congress, kana kuti ANC, hachisi kuzoonana nemapato anopikisa sezvo richiti munyika hamuna matambudziko arimo.

Chikwata cheANC ichi chasvika muZimbabwe manheru eChipiri nendege ye.

Vakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaPatrick Chinamasa, vaburitsa gwaro vachiti chikwata cheANC chakatumwa nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, icho chiri kutungamirwa nemunyori mukuru muANC, VaAce Magashule, hachisi kuzoona mapato anopikisa.

VaChinamasa vati chikwata cheANC ichi chichaonana nehutungamiri hweZanu PF chete huchange huchitungamirwa nemunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaObert Mpofu.

Vati musangano uyu uchashandiswa senzira yekusimbaradza hukama huripo pakati pemapato maviri aya. Vatiwo chikwata ichi hachina mumwe wachichasangana naye parwendo rwacho vachiti Zimbabwe haina dambudziko rayakatarisana naro.

VaChinamasa vati chikwata cheANC ichi chiri kuuya munyika apo paine mashoko emanyepo ekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika. VaChinamasa vati bato ravo richashandisa mukana uyu kutaura mamiriro akaita zvinhu munyika.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vati zviri pachena semhanza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika vakati zvinoshamisa kuti Zanu PF yatora danho rekuvharidzira mamiriro ezvinhu munyika.

MDC Alliance inoti yakazvipira kusangana navose vanokwanisa kuti matambudziko ari munyika agadziriswe kusanganisira chikwata cheANC ichi.

Mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vaudza Studio 7 kuti ruzhinji rwuri kunhonga svosve nemuromo munyika vakati zvave kuda kuti vanhu vese vabatane mukugadzirisa zviri kunetsa munyika vachiti Zanu PF haikwanise kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika iri yoga.

Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati bato ravo ndiro chete richasangana neANC nokuti munyika hamuna matambudziko ari kutaurwa nevanopikisa hurumende yeZanu PF.

Vati kana ANC ikazoda hayo kutaura nevanopikisa imwe nguva zvinenge zviri kwairi, asi rwendo rwuno kuchaitwa musangano pakati pemapato maviri aya akarwira rusununguko rweZimbabwe neSouth Africa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri wesangano reZimbabee Institute of Strategic Thinking, VaEric Tinashe Muzamhindo, vati hazvisi mumaoko eZanu PF kuti itaure kuti chikwata cheANC ichi chichataura nani asi kuti VaRamaphosa vanove vakadoma chikwata ichi kuti chiuye kuZimbabwe.

Zvichakadai, mashoko aburitwa naVaMagashule anoti chikwata chavo chichange chine vanhu vatanhatu vanoti ivo VaMagashule, Muzvare Lindiwe Zulu, VaGwede Mentashe, VaTony Yengeni, VaEnoch Godongwana pamwe naAmai Nosiviwe Nqakula.

VaMagashule vati vari kuuya kuzoita nhaurirano neZanu PF asi havana chavataura nezvekusangana nevemapato anopikisa pamwe nemasangano akazvimirira.

Mashoko eZanu PF neANC aya anouya apo dzimwe nhumwa dzaVaRamaphosa dzaitungamirirwa naVaSydney Mufamadi dzakatadza kusangana nemapato anopikisa mwedzi wapera mushure mekusangana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG