Accessibility links

Breaking News

Sangano reCitizens Forum Rokurudzira Kuomeserwa kweVanotengesa Nyika


Citizens Forum
Citizens Forum

Rimwe sangano rinozviti Citizens Forum rinoti ranyora tsamba dzenyunyuto kumasangano akazvimiririra avanoti akabatsira mukurongwa kwekuratidzira kwakaitwa mwedzi wapera.

Vachitaura nevatori venhau, mukuru musangano iri, VaAlex Gakanje, vati masangano aya akapesvedzera mhirizhonga, uye vachaavharisa.

Mamwe emasangano adomwa neCitizens Form anosanganisira Crisis in Zimbabwe Coalition, Law Society of Zimbabwe, Zimbabwe lawyers for Human Rights nemizinda yeAmerica neBritain.

Asiwo mukuru wePlatform for Youth Development inove nhengo yeCrisis in Zimbabwe Coalition, VaClaris Madhuku, vashora zvikuru Citizens Forum vachiti kutyityidzirana kunodzorera nyika shure.

VaMadhuku vatiwo vese vane moyo wekuda kuona kubudirira kwenyika, vari kukurudzira nhaurirano, izvo zviri kuitwa nemasangano avanodyidzana nawo.

Studio7 haina kukwamisa kunzwa divi reBritain neAmerica pamusoro pemashoko eCitizens Forum.

Nyika mbiri idzi dzakabuda pachena dzichishora mabatirwo akaitwa mhirizhonga nemauto nemapurisa.

Vanhu vanodarika gumi nevashanu vakapfurwa vakafa, uye vanhu vanodarika makumi manomwe vakarapwa maronda akakonzerwa nemabara epfuti.

Hurumende yeZanu PF iri kupomera MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa mhosva yekuronga mhirizhonga.

Asi MDC inoti haisi iyo yakaronga kuratidzira uku, uye zviri kuitwa nehurumende, zvakafanana nekutsvaga uta mugate.

Mune imwewo nyaya, vechidiki mubato reZanu PF vari kukurudzira veruzhinji kuti vatsungirire mumatambudziko akatarisana nenyika vachiti vane chivimbo chekuti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachagadzirisa zviri kunetsa munyika.

Vachitaura nevatapi venhau muHarare, vechidiki vebato reZanu PF vati vawirirana kuti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanofanirwa kupiwa mukana.

Mumwe wevechidiki ava, Muzvare Yeukai Simbanegavi, vati vanonzwisisa kutambura kuri kuita veruzhinji nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezveupfumi.

Muzvare Simbanegavi vati VaMnangagwa vanofanirwa kupiwa mukana wekurwisa huori, kutsvaka mari dzekunze pamwe nekugadzirisa matambudziko ari kusangana neveruzhinji muhupenyu hwavo.

Muzvare Simbanegavi vatiwo sevechidiki vari kushora zvikuru nekwavanoti kushandiswa kwevechidiki mukuratidzira kwakaitika muna Ndira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG