Accessibility links

Breaking News

Zambia Yoita Sarudzo Dzayo Nhasi


Edgar Lungu

Zambia iri kuita sarudzo nhasi uye pane kukwikwidzana kwakasimba pakati pemutungamiri wenyika VaEdgar Lungu vebato rePatriotic Front naVaHakainde Hichilima vebato guru rinopikisa reUnited Party for National Development.

Sangano remubatanidzwa wenyika dzekuchamhembe kweAfrica, reSADC, harina kuendesa vaongorori richityira chirwere cheCovid-19.

Asi vemasangano akazvimirira oga vakatumira vaongorori kusanganisira emuZimbabwe.

Rimwe remasangano eZimbabwe akazvimirira, reWomen’s Academy for Leadership Excellence, riri muZambia kuti riongorore mafambiro achaita sarudzo idzi.

Mukuru wesangano iri, Muzvare Stabile Dewa, vanoti vanovimba kuti madzimai acha vhoteravo mamwe madzimai ari kukwikwidza musarudzo idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG