Accessibility links

Breaking News

ZACC Inoti Inoda Masimba eKupinda Mumatare neVasungwa Vayo


ZACC Chairperson Justice Loice Matanda Moyo ( Centre )

Komisheni inodzivirira huori, yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, inoti iri kutadza kuita basa rayo nemazvo nepamusana pekuti komisheni iyi haina mvumo yekuenda kumatare edzimhosva nevanhu vainenge yasunga.

Vachitaura nhasi muChinhoyi pakuvharwa kwemusangano wavanga vachiita nevanhu vanobva kwakasiyanasiya, imwe nhengo yeZACC, VaGabriel Chaibva, vati dzimwe nyaya dzavari kuferefeta dzehuori dziri kutadza kuenda kumatare nekuda kwekuti mamwe mapazi ehurumende avanoshanda nawo akaita seNational Prosecuting Authority nemapurisa, ane mashandiro akasiyana navo.

VaChaibva vatiwo vanokurudzira kushandurwa kwemutemo kuitira kuti komisheni yavo ipihwe masimba ekumira mumatare nemunhu wainenge yawana aine mhosva kwete kuti mupari wemhosva aendeswe kuvachuchisi izvo vati zviri kudzosera basa ravo kumashure nekuti dzimwe nguva vanozoona munhu wavaiti ane mhosva asunungurwa asati atongwa.

Panyaya yekuti vanosunga vanhu vovasunungura vasina kuenda navo kumatare, VaChaibva vati ichokwadi kuti izvi zvinoitika uye hazvipe muono wakanaka.

Vati izvi zvinokonzerwa nemutemo usingavape simba rekuenda nemupari wemhosva kumatare.

VaChaibva vati komisheni yavo iri kufara kuti yakaita chibvumirano neJudiciary Service Commission kuti nyaya dzezvehuori dzitongwe nekukurumidza kwete kumirira mumutsetse wemhosva dzinenge dzichitongwa.

Vachitaura pamusangano mumwe mushandi wehurumende, VaJames Chingwe, vati huori hunokonzerwa nekupindira kwevezvematongerwo enyika avo vanomanikidza vashandi vehurumende kuti vaite huori.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu, reCenter for Natural Resource Governance, Va Farai Maguwu, vanoti ZACC inofanirwa kupihwa masimba ekupinda nemunhu wavanenge vasunga mudare uye panofanirwa kuiswa mutongo wekuti munhu akawanikwa aine mhosva dzehuori, agare mujeri kwemakore akati.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu, reCenter for Natural Resource Governance, Va Farai Maguwu, vati ZACC inofanirwa kupihwa masimba ekupinda nemunhu wainenge yasunga mudare uye panofanirwa kuiswa mutongo wekuti munhu akawanikwa aine mhoswa dzehuori anogara mujeri kwemakore akati.

Musangano wakadai mumwe wemisangano iri kuitwa neZACC matunhu ose munyika paine chinangwa chekuumba hurongwa hwekufambisa mabasa ekupedza huori munyika.

Gwaro raAuditor General reongororo yakaitwa muna 2018 rinoratidza kuti mapazi ehurumende akashandisa mari inodarika mabhiriyoni maviri emadhora ekuAmerica zvisiri pamutemo, uye pasina mvumo yeparamende.

Ongororo iyi yakaburitsawo huori hwakaitika kukambani yeNational Social Security Authority, izvo zvakaita kuti vaive gurukota rezvevashandi panguva iyi, Amai Prisca Mupfumira, vasungwe neZACC vachipoimerwa mhosva yekuita zvehuori pamari dzekuNational Social Security Authority.

Nyaya iyi ichiri mumatare edzimhosva.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti sezvo Zimbabwe iri kuzivikanwa nenyaya yehuori hunosemesa, panofanirwa kumbwa dare rinotonga nyaya dzehuori chete kuitira kuti huori hurwiswe zvakasimba munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG