Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veMandela Washington Fellowship Voungana muWashington DC


Mandela Washington Fellowship 2016
Mandela Washington Fellowship 2016

Vechidiki vari muchirongwa cheMandela Washington Fellowship vari kuungana muWashington DC kwemazuva matatu vachiita musangano wekupeta zvidzidzo zvavo.

Vechidiki ava vanobva kunyika dzemuAfrica, uye vanga vari muAmerica kwemasvondo mashanu vachiita zvidzidzo muzvikoro zvepamusoro soro muAmerica.

Vechidiki ava vanosanganisira vekuZimbabwe makumi matatu avo vari pakati pemazana mapfumbamwe evechidiki vakabva kunyika dzakasiyana siyana dzemuAfrica.

Chirongwa ichi chinoitwa kamwe chete pagore, uye chinopindwa nevechidiki vari pakati pemakore makumi maviri nemashanu nemakore makumi matatu nemashanu.

Pavanenge vari muAmerica vechidiki ava vanenge vachidzidziswa nezvehupenyu, mabhizinesi, hutungamiriri, pamwe nekushanda nemasangano akazvimirira senzira yekuvandudza hupenyu hwavo.

Chirongwa ichi chakatangwa nevaimbove mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama chichinzi Young African Leaders Initiative, Yali.

Chizvarwa chekuZimbabwe, VaSheperd Nyambayo, vanoti chirongwa ichi chavabatsira zvikuru kuvandudza mafungiro avo nemaonero ehupenyu.

Mumwewo musikana ari muchirongwa ichi, Muzvare Anoziva Marindire, vanoti pane zvizhinji zvavachanoshandisa kumusha kubva muzvinhu zvavadzidza muchirongwa ichi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG