Varairidzi vemuZimbabwe vabatana nevamwe varairidzi pasi rese kucherechedza zuva revadzidzisi pasi rose, re World Tearcher’s Day, asi vachinyunyuta nematambudziko avari kusangana nawo munyika.
Varairidzi vacherechedza zuva iri vachichema chema nematambudziko anosanganisira kushomeka kwemari yemihoro, kusawanikwa kwemari kumabanga, kushandurwa kwehwaro yedzidzo pasina gadziriro yakakwana, pamwe nekudzikira kwehupenyu hwavo.
Mumwe murairidzi, VaRobson Chere, vati sevarairidzi vari kupemberera zuva ravo vane kutya kukuru nekuda kwesarudzo dziri kutarisirwa gore rinouya kunyange hazvo mhemberero dzegore rino dziri kukurudzira kusununguka kwevarairidzi.
VaChere vati varairidzi vanombunyikidzwa nguva zhinji panoitwa sarudzo munyika, vakachema chemawo nekushaikwa kwemari.
Mumwe mudzidzisi, Amai Gaudencia Mandiopera, vatiwo gore rino vari kupembera zuva revadzidzisi vachirangarira kushupika kwavari kuita kuwana mari yavo yemihoro.
Amai Mandiopera vakurudzira hurumende kuti igadzirise mamiriro ehupfumi hwenyika kuti varairidzi vawane mari yavo zviri nyore.
Amai Catherine Machona, avo vanodzidzisa kuMahusekwa, vatiwo hwaro hwedzidzo hutsva hwakaiswa nehurumende huri kushungurudza varairidzi. Amai Machona vati nekuda kwekuti hakuna zvakakwana muzvikoro, vave kutyira kuti vana vavanodzidzisa vachatadza kubudirira muzvidzidzo zvakaiswa izvo zvinoda mishina yemakombiyuta yavasina.
Mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati nhamo yapfunya chisero mudzimba zhinji dzevarairidzi.
VaMasaraure vachema chemawo nehupenyu huri kuraramwa nevarairidzi uhwo vati huri kudzikira nguva nenguva.
VaMasaraure vakurudzira varairidzi kuti vanyorese kuvhota vagowana mukana wavati wekusarudza vatungamiriri vasina humbimbindoga.
Zuva reWorld Teachers Day rinocherechedzwa pasi rose musi wa 5 Gumiguru.
Gore rino riri kucherechedzwa pasi pedingindira rinobata kudzidzisa zvakasununguka, pamwe nekusimbaradza mabasa evarairidzi.
Facebook Forum