Accessibility links

Breaking News

Zuva reVapoteri Rocherechedzwa Vamwe Vachiti South Africa Ngairemekedze Vapoteri


FILE - Eritrean refugees wait to get registered on arrival at the Indabaguna refugee reception and screening center in Tigrai region near the Eritrean border in Ethiopia, Feb. 9, 2016.
FILE - Eritrean refugees wait to get registered on arrival at the Indabaguna refugee reception and screening center in Tigrai region near the Eritrean border in Ethiopia, Feb. 9, 2016.

Nyika dzepasi rose dzichange dzichicherechedza zuva revapoteri pasi rose, kana kuti World Refugees Day, vanorwira kodzero dzevanhu vachiti vapoteri vakawanda muSouth Africa, vachiri kubatwa senhapwa.

Apo nyika dzakawanda dzichange dzichicherechedza zuva iri, masangano akawanda anoona nezvevapoteri muSouth Africa anoti hapana chikonzero chekucherechedza zuva iri nepamusana pekuti South Africa haisi kuremekedza kodzero dzevapoteri.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Exiles Forum mu South Africa, Va Gabriel Shumba, vanoti muSouth Africa mune vanhu vanosvika zviuru mazana matatu vachiri kutsvaga hupoteri, asi hurumende yeSouth Africa haisi kuda kuvapa magwaro uyewo haisi kuvabata zvakanaka.

VaShumba vanoti nyika dzemu Africa dzinofanira kugadzirisa matambudziko adzakatarisana nawo kuitira kuti mhuri dzayo dzirege kutizira kune dzimwe nyika uko dzinonotarisana nematambudziko akafanana nekubatwa zvisina hunhu mukati.

Mutevedzeri wasachigaro wesangano re Africa Diaspora Forum mu South Africa, Doctor Ur Koumba, vanoti zuva remangwana, izuva rakatarwa neUnited Nations senzira yekucherechedza matambudziko anosangana nevapoteri munyika dzakasiyana siyana, kusanganisira South Africa.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chirimu South Africa, Muzvare Skan’gezile Moyo, vanoti kubva zvavakasvika muSouth Africa, dambudziko guru ravakatarisana naro nderekutadza kuwana magwaro kubva kubazi rinoona nezvemukati menyika.

South Africa ine vapoteri vanodarika mamiriyoni matanhatu vanobva kunyika dzinoti Burundi, Cameroon, Democratic Republic of Congo, Nigeria, Zimbabwe, Mozambique, Zambia, Malawi nedzimwene.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG