Accessibility links

Breaking News

World Health Organization Yokurudzira Vanhu Kuti Vasabayiwe Nhomba Dzakasiyana


Vanotungamira chikwata chesangano reUnited Nations rinoona nezvehutano pasi rose reWorld Health Organization muZimbabwe Dr Lincoln Charimari vari kukurudzira vanhu kuti vasapote vachisanganisa nhomba dzeCovid-19 sezvo zvichigona kukanganisa hutano hwavo.

Dr Charimari vakataura mashoko aya pamusangano wakakokerwa nesangano rinoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurumende nevanhukadzi reGender Media Connect Zimbabwe.

Zimbabwe parizvino ine nhomba shanu dziri kushandiswa zviri pamutemo dzinoti Sinopharm neSinovac kubva kuChina, Covax yekuIndia, Sputnik yekuRussia uye ichangopihwa mvumo yeJohnson and Johnson

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti vanhu makumi mashanu nemumwe kana kuti 51 vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weSvondo zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zvitatu nemazana mashanu nemakumi masere nevatatu kana kuti 3, 583.

Vanhu mazana matanhatu nemakumi masere nevatanhatu kana kuti 686 vakabatwa nechirwere ichi zvasiyawo vabatwa nacho kusvika parizvino vave zana rezviuru rine pfumbamwe nemazana ,ashanu nemakumi mana nevatanhatu kana kuti 109, 546.

Vanhu mazana masere nepfumbamwe kana kuti 809 vakapora zvachireva kuti vapora kusvika parizvino vave zviuru makumi manomwe nematanhatu zvine mazana matanhatu nemakumi matanhatu nemashanu kana kuti 76, 665.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga vave miriyoni imwe chete nezviuru mazana matanhatu nemakumio mashanu nemana zvine zana negumi nevaviri kana kuti 1, 654, 112.

Vanhu vabayiwa nhomba kechipiri sezvinokurudzirwa vave zviuru mazana manomwe nemakumi manomwe nemapfumbamwe zvine mazana maviri nemakumi maviri nemapfumbamwe kana kuti 779, 229.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG