Accessibility links

Breaking News

World Health Organization Yobatsira Vagari vekuManicaland


Mukuru weWorld Health Organization (WHO) Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus.
Mukuru weWorld Health Organization (WHO) Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus.

Panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzezvehutano
munyika, chimwe chirongwa chiri kutungamirwa nesangano reWorld Health
Organisation, chiri kubatsira kuunza rubatsiro munyaya dzehutano kuvagari vekumaruwa.

Amai Patience Mahlathini mudzimai ane makore makumi matatu nemasere, uye vachigara mubhuku rekwaMuchaendepi kumaruwa ekwaMundanda pasi paIshe Mapungwana kuChipinge.

Amai Mahlathitini vaive nemusha wavo wakanaka asi ndemumwe wevanhu
vakawanda vemunzvimbo iyi vane misha yakaparadzwa nedutumupengo re Cyclone Idai gore rakapera.

Kunyange hazvo pave nenguva inopfuura gore izvi zvaitika, vanoti nekuda kwekuoma kwakaita zvinhu munyika, havasati vakwanisa kugadzirisa musha wavo zvizere.

Amai Mahlathini vanobatsira murume wavo kuriritira mhuri nekuita
mabasa epamusha akasiyana-siyana kusanganisira kurima.

Asi vanoti kubva pakaitika dutumupengo Idai, hutano hwavo hahuna kuzomira zvakanaka, vachitizve vaitadza kuenda kuchipatara kunoona chiremba nekuda kwekushaya mari.

Amai Mahlathini ndemumwe wevanhu vekwaMundanda vakakwanisa kuonekwa nachiremba pachena munguva pfupi yapfuura, pasi pechirongwa chinotungamirwa nesangano reWorld Health Organisation cheZimbabwe Idai Recovery Project, icho chinobatsira kuendesa madhokotera navana mukoti kuti vanoona vanhu munharaunda dzavanogara.

Mumwe mugari wekwaMundanda, Muzvare Eullie Moyo, vakakwanisa
kubatsirwawo pasi pechirongwa chekuunza hutano kuvanhu ichi.

Muzvare Moyo vanoti vange vavewo nenguva vasinganzwe zvakanaka
asi vasingakwanise kuenda kuchipatara nekuda kwekushayawo mari
yekufambisa.

Chipatara chikuru chiri pedyo nekwaMundanda ndecheMt Selinda Hospital
icho chinove makiromita anopfuura makumi maviri kubva munzvimbo iyi.
Gwenzi Clinic ndiyo inoshandiswa nevanhu vakawanda vemunharaunda.
Asi sezvinowanzowanikwa muzvipatara nemakiriniki emunyika, kunyanya
ekumaruwa, pakiriniki apa panowanzoshaikwa mishonga,
sezvekatsanangurwa naVaDavid Makuyana mumwe mugari wemunzvimbo iyi.

VaMakuyana vanoti vave nenguva inopfuura gore vachinzwa nzeve
nemazino, uye vakakwanisawo kubatsirwa pasi pechirongwa ichi.

Gwaro reZimbabwe Vulnerable Assessment Committee, ZimVAC, rakabudiswa muna Kukadzi wegore iro rino rinonzi “Food and Nutrition Security Update,” rinoti zvikamu makumi maviri nechimwe kubva muzana zvevanhu vanorarama nehutachiwana hweHIV/Aids munyika, zvinosiya chirongwa cheAntiretroviral Therapy, kana kuti ART, nekuda kwekushaya mari yekufambisa kuenda kunotora mishonga iyi kunzvipatara kana makiriniki avanofanirwa kuwana mishonga iyi.

Kushaya mari yekuenda kuzvipatara idambudziko rakatarisana nevanhu vakawanda munyika.

Mukuru wechirongwa cheZIRP kuChipinge, Dr Nyasha Musiya, vanoti chirongwa chakadai chinorerutsira veruzhinji vanoshaya.
Mushandi musangano reWHO, Muzvare Noria Pasi, vanoti chirongwa ichi
chinodzidzisawo vanoshanda mune zvehutano nezvechirwere cheCovid
vozodzidzisawo veruzhinji.

Chirongwa chezvehutano ichi chakatangwa muna Kukadzi wegore rino
nerubatsiro rwemari yekuAmerica inosvika miriyoni imwe chete yakabva
kuWorld Bank, uye chiri kuitwa kuChipinge nekuChimanimani.

Chirongwa ichi chiri kusiya vanhu vakawanda vachimwerera nemufaro sezvo chiri kuvabatsira munguva yavanenge vasingakwanisi kuzvibatsira nepamusana pekuoma kwaita zvinhu munyaya dzehupfumi pamwe nedzehutano.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG