Accessibility links

Breaking News

World Health Organisation Yoshushikana neKorera muZimbabwe


Sangano re World Healh Organisation rinoti kunyange hazvo vanhu vashanu vafa nechirwere chekorera muZimbabwe, dambudziko iri richakakura vachitarisa nezviri kuitika mune dzimwe nyika.

Gwaro idzva raburitswa ne WHO ichishanda pamwe chete nebazi rehutano, rinoti nzvimbo gumi kubva mumatunhu madiki makumi matanhatu, dzine vanhu vakabatwa nechirwere ichi.

Vanhu vanosvika makumi mana nevapfumbamwe vanonzi vakabatwa nekorera mwaka uno.

Gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vanoti bazi ravo riri kushanda nemamwe mapazi ehurumende mukuedza kubvisa marara mumatunhu mazhinji munyika, kugadzirisa nyaya dzemvura nezvimwe zvakadaro kuitira kuti pashaiwe zvinokonzera korera.

Va Madzorera vanoti bazi ravo rinoshushikanawo nekufa kwevanhu vashanu ava zvekuti vari mushishi kugadzirisa zvinhu kuti nyika isave nevanhu vanofa nechirwere chekorera.

XS
SM
MD
LG