Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vanoti muZimbabwe Hamuna Runyararo


Zimbabwe Vendors
Zimbabwe Vendors

Nyika dzepasi rose dzacherechedza zuva rerunyararo pasi rose, kana kuti International Day of Peace.

Asi vakawanda vanoti hapana runyararo muZimbabwe nekuda kwezvehupfumi nezvematongerwo enyika zvisina kumira zvakanaka.

Vakawanda vanoti munyika hamuna runyararo nekuda kwezvinhu zvakawanda zvinosanganisira kufa kwevanhu vakawanda nechirwere chekorera, kushaya mari kumabhangi, kutadza kutenga zvekudya nekuda kwemitengo yakakwira, pamwe nekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu kwakaitwa musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaClifford Jabangwe vanoti hapana runyararo munyika panguva ino apo mapurisa ari kuswera achitandanisa vanhu vanotengesa zvinhu zvavo mumigwagwa.

VaJabangwe vanoti vanhu vakawanda vari kushungurudzwa mupfungwa.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaPassmore Nyakureba, vanoti runyararo zvinoreva kugadzikana kwezvinhu mupfungwa nemanzwiro evanhu kana vachirarama munyika.

VaNyakureba vanoti vanhu vakawanda hapana chavanopemberera zuva rerunyararo ivo vachirara mumitsetse yemabhangi vachitsvaka mari, vechidiki vasina mabasa uye kuzvipatara vanhu vachifa nekushaya mishonga.

Vamwe vagarii vanoti kuurayiwa kwevanhu nemasoja vachiratidzira muHarare mwedzi wapera mucherechedzo wekuti munyika hamuna runyararo.

Asi mumwe mugari wemuChinhoyi, VaLangton Mubaiwa, vanoti munyika mune runyararo.

VaMubaiwa vanoti zviri kuita mapurisa zvekubvisa vanotengesera mumigwagwa idanho rekuisa runyararo munyika.

Chiyero chenyika dzine runyararo cheGlobal Peace Index 2018 chinoratidza kuti nyika dzemuAfrica dzakawanda hadzina runyararo rwakakwana sezvinotarisirwa.

Global Peace Index 2018 inoratidza kuti Iceland nedzimwe nyika dzakaita seNew Zealand, Austria, Portugal neDenmark ndidzo dziri pamusoro kuve nerunyararo pasi rose.

Syria ndiyo inonzi ine mhirizhonga yakawanda pasi rose pamwe nenyika dzakaita seAfghanistan, South Sudan, Iraq pamwe neSomalia.

Zuva reInternational Day of Peace rinocherechedzwa musi waGunyana 21 gore rega rega, uye gore rino ndereche makumi manomwe kubva pakatarwa zuva iri kuti richerechedzwe nenyika dzose zdiri muUnited Nations.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG