Accessibility links

Breaking News

World Bank Inoti Kuda Kutanga Bhizimisi muZimbabwe Kuchiri Kunetsa


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Gwaro reWorld Bank rinoratidza mamiriro ezvinhu munyika dzepasi rose panyaya dzekuita bhizimisi munyika idzi rinoratidza kuti Zimbabwe ichiri pachinhano chepasi, zvisinei nechinangwa chehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa chekuda kuvandudza hupfumi hwenyika pamwe nemaitirwo ebhizimisi munyika.

Mugwaro iri, iro rinonzi “Doing business” regore ra2019, Zimbabwe iri pachinhano chezana nemakumi mashanu neshanu. Mugore rino ra2018 Zimbabwe yange iri pachinhano chezana nemakumi mashanu nepfumbamwe.

Chipangamazano musangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Doctor Propser Chitambara avo vanovewo nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vanoti dambudziko guru panyaya yekuvandudza hupfumi pamwe nemaitirwo ebhizimisi munyika inyaya yekuti hurumende inotaura zvinhu zvaisingaite.

Mauritius iyo iri pachinhano chemakumi maviri ndiyo nyika iri pachinhano chepamusoro-soro panyika dzemuAfrica ichiteverwa neRwanda iyo iri pachinhano chemakumi maviri nepfumbamwe.

Panyika dziri kuchamhembe kweAfrica South Africa iri pachinhano chemakumi masere nepiri (82) Botswana iri pachinhano chemakumi masere netanhatu (86). Zambia iri pachinzvimbo chemakumi masere nenomwe (87) kozotiwo Namibia iri pachinzvimbo chezana nenomwe (107).

Gwaro iri rinotarisa zvinhu zvakasiyana-siyana kusanganisira kuti zvinotora nguva yakareba sei kuti munhu akwanise kutanga bhizimisi, zviri nyore here kuwana magetsi, nezvimwe zvakadaro.

VaReginald Shoko vanove mukuru wesangano reAffirmative Action mudunhu reMatabeleland vanoti hurumende inofanirwa kutora muenzaniso wenyika yeRwanda iyo yakabvisa mitemo yakawanda pakuvhura mabhizimisi munyika iyi.

VaButler Tambo muongorori wezve budiriro anoshanda akazvimirira vanoti rimwe dambudziko guru rinokanganisa kuvandudzwa kwehupfumi pamwe nekuitwa kwebhizimisi munyika inyaya yemitemo isina kujeka.

VaTambo vanotiwo nyaya yekuti muromo hauzarirwe nerwizi iri kupa kuti hurumende ingovimbisa zvaisiri kukwanisa kuita. Vati hurumende inofanira kuzvipira kurwisa huori uho huri kukanganisa nyaya yebudiriro kana kukwezva vanoda kutanga mabhizimisi. VaChitambara vanobvumiranawo nemaonero aya.

Mugwaro ra2019 nyika yeDjibouti ndeimwe yenyika dzakasimukira zvikuru kubva pachinhano chezana nemakumi mashanu neina kusvika pachinhano chemakumi mapfumbamwe nepfumbamwe.

Gwaro iri rinoti nyika iyi yakkwanisa kuita izvi nekuvandudza mitemo yayo kusanganisira kuita kuti vanhu vakwanise kunyoresa mabhizimisi avo munguva pfupi. Bhanga reWorld Bank rinoburitsa gwaro re”Doing Business” gore rega rega.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi, asi ivo nemutungangamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pasi pedingidzira ravo rekuti Zimbabwe Yakavhura Magonhi ekuita bhizimisi kana kuti "Zimbabwe Is Open for Business" vanotaura nyaya yekurerutsa kuita mabhizimisi munyika sechinhu chavanonyanya kukoshesa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG