Accessibility links

Breaking News

Chikoro cheVanhukadzi Chosumudzira Dzidzo yeNhengo dzeParamende


Paramende yeZimbabwe
Paramende yeZimbabwe

Paramende yeZimbabwe yabatana neChipiri nechikoro chepamusoro chevanhukadzi, cheWomen’s University in Africa, pakutanga chirongwa chekuti nhengo nevashandi veparamende vaite zvidzo zvepamusoro pachikoro ichi.

Paramende yeZimbabwe yabatana neChipiri nechikoro chepamusoro soro chevanhukadzi, cheWomen’s University in Africa, pakutanga chirongwa chekuti nhengo nevashandi veparamende vaite zvidzo zvepamusoro soro pachikoro ichi.

Vachitaura mushure mekunge vanyorerana chibvumirano neparamende, mukuru wechikoro ichi, Professor Hope Sadza, vati chikoro chavo chinoda kuti nhengo dzeparamende dziwane ruzivo kuitira kuti dzigokwanisa kumirira vanhu zvine hudzamu.

Vatiwo dzidzo ichawana nhengo dzedare reparamende inoita kuti nhengo idzi dzikwanise kunodzidzisawo vanhu mumatunhu adzinomirira.

Professor Sadza vatiwo chikoro chavo chiri kuronga kuvaka muzinda wekuenzanisa mikana pakati pevanhurume nevanhukadzi uye nhengo dzeparamende dzinotarisirwa kuzopindawo pamuzinda uyu.

Mutauriri weHouse of Assembly, VaLovemore Moyo, mutungamiri wedare seneti, Amai Ednah Madzongwe, vatenda chikoro cheWomen’s University nechirongwa ichi vachiti izvi zvichaita kuti nhengo dzeparamende dziwedzere ruzvivo rwadzo.

VaMoyo vatiwo chinonyanyofadza ndechekuti nhengo dzeparamende dzinenge dzichibhadhara mari iri pasi pasi pachikoro ichi.

Zvimwe zvidzidzo zvinoitwa pachikoro ichi zvinosanganisira zvidzidzo zvemabhizimisi, zvekurima nezvimwe.

Vatiwo paramende yakatora nguva yakareba ichitsvaga zvikoro zvepamusoro soro kuitira kuti ishande nazvo mukuwedzerea ruzivo rwenhengo dzeparamende.

Vati paramende yeZimbabwe ndiyo yechipiri mudunhu rekuchamhembe kweAfrica, ichitevera South Africa, kuve nechirongwa chakaita seichi chekusimudzira nhengo dzeparemende munyaya yedzidzo.

Zvichakadai, dare reparamende ratanga kugara neChipiri zvakare rakamirira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vazovhura chikamu chekupedzesera cheparamende yechinomwe.

Paramende inoti yakamirira kupihwa nehurumende zuva richauya mutungamiri wenyika kuzovhura paramende iyi.
Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG