Accessibility links

Breaking News

Zvapupu Zvotaura Mudare Zvakaitika Musi Wafa Lucy Duve


Byo High Court
Byo High Court

Kutongwa kwemutyairi wendege kuAirforce of Zimbabwe, Tashinga Musonza, uyo ari kupomerwa mhosva yekuuraya musikana wake, Lucy Duve, muGweru gore rakapera kwatanga mudare reHigh Court muBulawayo.

Hama neshamwari dzamushakabvu Lucy Duve kusanganisira vabereki vake, pamwe nevamwe vanhuwo zvavo, vaungana mune rimwe rematare eHigh Court muBulawayo kuti vanzwe kutanga kutongwa kwaMusonza, uyo ari kupomerwa mhosva yekuuraya Lucy.

Kutongwa kwenyaya uku kwatanga vafakazi vatatu vachipa huchapupu hwavo kudare mushure mekunge Musonza amiswa pamberi paJustice Nokuthula Moyo nezuro, achipomerwa zviri pamutemo, mhosva yekuuraya Lucy.

Muvakidzani wemushakabvu, Amai Ellen Musopero, ndivo vatanga kupa huchapupu hwavo vachiudza dare kuti husiku hwemusi wa25 Mbudzi vakakamutswa neruzha rwekuhukura kweimbwa vakadongorera nepahwindo ndokuona mushakabvu achinovhura gedhe akashama.

Vati Musonza akateverawo mushakabvu akashama achipopota ndokubva vaviri ava vazodzokera mumba. Mushure mekanguva vakanzwa kuridza mhere kwemunhu ndokuzoonazve vaviri ava vave kubva pamba pemushakabvu vari mumotokari.

VaGeorge Makwenjere vanovewo mutyairi wendege ndivo vaita vechipiri kupa huchapupu. VaMakwenjere vaudza dare kuti musi uyu vakafonerwa naMusonza achivati vaidanana naLucy.

VaMakwenjere vati mukutaura kwake parunhare, Musonza ainzwikwa kuti aive nehasha.

Vati Musonza akazouya naLucy kumba kwavo kuThornhill Airbase, vakatizve mushure mekunge vaviri ava vasvika, Musonza akatanga kurova Lucy uye kumukava.

VaMakwenjere vati ivo nemusikana wavo wavaive naye panguva iyoyo vakaedza kudzora Musonza asi vakakundikana Musonza akaramba achirova Lucy achimuti aidanana naVaMakwenjere.

VaMakwenjere vati vakazobva pamba pake vachiedza kunotsvaga vamwe vanhu kuti vadzore Musonza.

Muzvare Nokuthula Matsikaiti, avo vari kudzidzira kuve musoja wemuchadenga, ndivo vaita wechitatu kupa humbowo.

Muzvare Matsikaiti, avo vati vaive musikana waMusonza, vati musi uyu ivo nemushakabvu naMusonza wacho vakasangana kumba kwemushakabvu kuti vataure pamusoro pekuve vasikana vaMusonza.

Vaudza dare kuti Musonza naLucy vakambosvuta mbanje akatizve akazovasiya kumba kwemushakabvu iye achidzokera kuThornhill Airbase.

Vamwe vanhu vatanhatu kusanganisira Dr Sanganai Pesanai vanotarisirwa kupa huchapupu hwavo mudare apo kutongwa kwenyaya iyi kunoenderera mberi.

Kutongwa kwenyaya yaMusonza kwakambotora nguva kuti kutange sezvo akambokwidza nyaya yake kudare reConstitutional Court achiti paanotongwa aisada kuti pave nevanonzwa nyaya vakagara nemutongi wedare kana kuti assessors muChirungu achiti kuvepo kwavo hakuzi pamutemo.

Asi izvi hazvina kubudirira.

Musonza akachinjawo magweta uye ave kumiririrwa naVaKalvern Tundu. Kunyange hazvo achibvuma kuti iye naLucy vakarwa, anoti Lucy akafa mushure mekunge adonhera pamagirazi etafura ayo anoti akamucheka.

Kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi nemusi weChina.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG