Accessibility links

Breaking News

World Diamond Council Yokurudzira Kusatengeswa kweMangoda ekwaMarange


Sangano re World Diamond Council rinoti richakurudzira kuti Zimbabwe imbomiswa kutengesa mangoda ayo pamusika yepasi rese, kudzamara pava nemuongorori anoremekedzwa pasi rose, kuti aongorore kucherwa nekutengeswa kwemangoda ekwaMarange.

World Diamond Council yataura mashoko aya mushure mekunge Zimbabwe yaramba kuti muongorori akanga adomwa nenyika dzemubatanidzwa dze European Union, uye ari chizvarwa cheBritain, kuti aite ongororo iyi yekuti aone kana mangoda ari kucherwa pamwe nekutengeswa zviri pamutemo.

Sangano reKimberly Process rakatenderana kumusangano wakaitwa gore rapera ku Namibia kuti pave nemuongorori.

Mutevedzeri wegurukota rezvicherwa kuNamibia, VaBernard Esau, vakanyora vachirambawo kuti muongorori abve ku Britain, vachiti Zimbabwe yainga yanyorerana nekambani yekuNamibia kuti pave nemuongorori anobva kunyika iyi.

Mutevedzeri wegurukota rezvemigodhi, VaMurisi Zwizvai, vanoti chinhu chinenge chakanaka kuti Zimbabwe itevedzere zvinodiwa neKimberly Process, kuitira kuti mangoda enyika atengeswe nenzira inotambirwa nepasi rose.

XS
SM
MD
LG