Accessibility links

Breaking News

Shirikadzi Dzoomerwa neHupenyu Nekuda kweCovid-19


 Shirikadzi dziri kugara muBotswana
Shirikadzi dziri kugara muBotswana

Dzimwe dzeshirikadzi dzinoti dambudziko rechirwere cheCOVID-19 riri kuwedzera matambudziko adzagara dzichisangana nawo mukuriritira mhuri dzadzo.

Shirikadzi dzakawanda dzinoti dziri kuomerwa nehupenyu munguva ino yeCovid-19, sezvo dziri kutadza kuita mabasa akasiyana siyana anoita kuti mhuri dzadzo dzive nehupenyu huri nani.

Mukokeri musangano re Widows Fountain of Life, Amai Angeline Chiwetani, vanoti pamusoro pemarwadzo ekufirwa nemumwe wako, COVID-19 yaunza kugedageda kwemeno kuruzhinji rweshirikadzi.

Senzira yekudzivirira kupararira kweCOVID-19, nyika dzakavakidzana neZimbabwe dzakavhara mabhodha adzo izvo zviri kuita kuti shirikadzi, idzo dzagara dzichitsvaga zvinhu kunze kwenyika dzichizotengesa muZimbabwe, dzava kunonga svosve nemuromo.

Amai Chiwetani vanoti dai hurumende yaVaEmmerson Mnangangwa yanzwira shirikadzi tsiye nyoro yodzibatsira nechikafu kana mari yekuti dzirarame sezvo vanhu vakawanda vari kuti havasi kuwana rubatsiro kubva kuhomwe yehurumende inofanirwa kubatsira vanoshaya.

Imwe shirikadzi, Amai Tererai Machokoto, avo vanoti vari kurarama nekutenga nekutengesa zvinhu mudhorobha reGaborone muBotswana, vanoti kufirwa nemurume chinhu chakaoma zvikuru.

Nyanzvi munyaya dzemitemo yemudzimba uye vari gweta rakazvimirira, Muzvare Nyarai Mudzingwa, vanoti dzimwe shirikadzi dziri kushupika mushure mekufirwa nemurume sezvo pfuma yakasiyiwa nemufi, ichitorwa nguva zhinji nehama dzemurume.

Muzvare Mudzingwa vanoti madzimai anofanirwa kugara akanyora magwaro anoratidza kupatsanurwa kwepfuma kana mumwe aenda kwamupfiganebwe.

Kunyange hazvo bumbiro remitemo yenyika richipa kodzero kushirikadzi, vanhukadzi vakawanda vachiri kumbunyikidzwa nguva dzose panofa murume, zvikuru anenge asina muchato nemudzimai wake.

Matambudziko eshirikadzi akabuda pakurangarira zuva reshirikadzi pasi rose reInternational Widows Day iro rarangarirwa musi wa Chikumi 23.

Zuva reshirikadzi iri, iro rakakomekedzwa nesangano renyika dzepasi rose reUnited Nations muna 2010, rinocherechedzwa senzira yekupedza nhamo nekumbunyikidzwa kwekodzero dzeshirikadzi nevana vadzo pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG