Mukuru wesangano reWorld Food Programme kana kuti WFP VaDavid Beasley vanoti vanoda kupa vanhu vanosvika mamiriyoni mana nezana rezviuru chikafu kusvika muna Ndira gore rinouya muZimbabwe mune vanhu vanoda rubatsiro vanosvika mamiriyoni manomwe nezviuru mazana manomwe.
WFP inoti iri kuda mari inosvika mamiriyoni mazana maviri nezviuru mazana mapfumbamwe nematatu asi kusvika parizvino yakwanisa kuwana zvikamu makumi matatu kubva muzana chete pamari iyi.
VaBeasely vanoti kusanaya zvakanaka kwemvura kuchapawo kuti nzara irambe yakapfunya rusero muZimbabwe uye vari kukurudzira vanopa rubatsiro kuti vaite izvi.
Apostle Mazvarirashe Mabhugu vekereke yeWisdom Church of All Nations avo vakamboshanda vachibatsira kuRotary Farm neRed Cross.
Facebook Forum