Accessibility links

Breaking News

WFP Inoti Vanhu Vakawanda muZimbabwe Votarisana neNzara Inotyisa Kutanga Mwedzi Uno


Bazi reUnited Nations rinoona nezvechikafu reWorld Food Programme rinoti riri kutarisira kuoma zvakanyanya kwezvinhu muZimbabwe panyaya yechikafu kutanga mwedzi uno kusvika muna Kurume gore rinouya.

Izvi zviori kukonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura mwaka wapera kusamira zvakanaka wkezvinhu munyaya dzezvehupfumi uye chirwere cheCovid-19 chakapa kuti vakawanda vatadze kushanda sezvo vachinzi vagare mudzimba.

WFP inoti vanhu vanogona kusvika mamiriyoni masere ane zviuru mazana matanhatu kana kuti 8, 6 million vanenge vatarisana nezara inotyisa muZimbabwe mukupera kwegore.

Izvi zvichireva kuti vanhu vanodarika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kana kuti 60% munyika yose vanenge vasina chekudya. Huwandu hwevanhu vanoda chikafu mumadhorodha hunonzi neWFP hwawedzera nezvikamu makumi mashanu kubva muzana kana kuti 50%.

Mombe dzinodarika zviuru makumi mana kana kuti 40,000 dzakafawo nezvirwere zvapa kuti varimi vakawanda vaomerwe nehupenyu. WFP iri kutsvaga imwe mari inosvika mamiriyoni mazana maviri ane makumi mashanu kana kuti 250 million kubatsira Zimbabwe.

Asi kushaikwa kwevanobatsira kunombopa kuti WFP ibatsire vanhu vashoma pane vainenge yakatarisira.

Gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti hurumende iri kushanda neWFP kubatsira vanoshupika.

Hurukuro naVaPaul Mavima
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches Dr Kenneth Mtata vanotiwo vemachechi vari kuyedzawo kubatsira vari kunonga svosve nemuromo.

Hurukuro naReverend Kenneth Mtata
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG