Accessibility links

Breaking News

WFP Inoti Mhuri Zhinji muMaguta emuZimbabwe Dzatarisana neNzara Inotyisa


Sangano rinobatsira nechikafu pasi rose reWorld Food Programme kana kuti WFP rinoti gwaro rakaburitswa nesangano reZimbabwe Vulnerability Assessment kana kuti ZIMVAC richikokerwa neFood Nutrition Council rinoratidza kuti vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana kana kuti 2,4 million vanoda rubatsiro rwechikafu mumaguta emuZimbabwe.

Sangano iri rinoti kubva gore rapera kusvika gore rino nyaya yekuti vanhu vari kumanikidzwa kuti vambogara mudzimba kuyedza kurwisa chirwere cheCoronavirus kana kuti Lockdown yapa kuti vakawanda vatoziye nenzara sezvo vasingakwanise kuenda kumabasa mumadhora kana kunoita maricho kumamisha.

Sezvo pasina mabasa, ongororo iyi inoti vanhu zvikamu makumi mana nezviviri kubva muzana kana kuti 42% vemumadhorobha havakwanise kuwana zvekudya zvakakwana zvichienzaniswa nezvikamu makumi matatu kubva muzana kana kuti 30% muna 2019.

Mumiriri weWFP muZimbabwe Amai Francesca Erdelmann mumashoko avo kuvatori venhau vati vanhu vakawanda vave kumanikidzwa kudya kamwe chete pazuva kana kutorara nenzara. Vanotiwo kusadya zvinovaka muviri kuchakanganisa hutano hwevakawanda.

WFP inoti mararamiro evakawanda mumaguta aderera zvakanyanya zvapa kuti vanhu vanodarika zvikamu makumi masere nematatu kubva muzana kana kuti 83% vatadze kuwana zvekudya zvakaringana zvinosanganisira hupfu, munyu nemafuta ekubikisa zvichienzaniswa nezvikamu zvinodarika makumi manomwe nematanhatu kubva muzana kana kuti 76, 8% muna 2019.

Mitengo yezvinhu inonzi yawedzerawo zvakanyanya sezvo dhora riri kushaya simba.

WFP inoti iri kupa mari kumhuri dzinosvika zviuru mazana matatu nemakumi maviri nematanhatu kana kuti 326, 000 mumadhorobha makumi maviri nematatu munyika uye iri kuda kuwedzera rubatsiro kusvika pazviuru mazana mashanu nemakumi mashanu kana kuti 550,00 mumadhorobha makumi maviri nemasere.

Gurukota rezvemagariro akanaka evanhu, Muzvinafundo Paul Mavima vaudza Studio 7 kuti hurumende iri kubatsirawo vanhu nezvekudya ichishanda nemasangano akaita seWFP.

Hurukuro naMuzvinafundo Paul Mavima
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru wesangano rinomirira vagari reHarare Residents Trust VaPrecious Shumba vanoti ichokwadi kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kune vagari vemuHarare vakawanda wavari kutaura navo vachiti vave kudya kamwechete pazuva. Vanoti mitengo yezvinhu iri kukwirawo zvakanyanya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG