Accessibility links

Breaking News

Vakarwira Rusununguko Vokurudzira Kubviswa kweZita raVaMugabe paNhandare neMigwagwa


war vets
war vets

Vakarwara muhondo yerusununguko vari kushora America nekuvandudza kwayakaita mutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Amendment Act, pamwe nevaimbova mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, nekushanda kana kuti kutsigira MDC Alliance vachiti vatungamiri vemapato anopikisa ndivo vakaita kuti zvirango izvi zvivandudzwe.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Liberation War Veterans Association, VaVictor Matemadanda, vaudza vatori venhau kuti havasi kufara nedanho reAmerica rekuvandudza zvirango vachiti zvinoratidza kuti nyika iyi haisi kutambira hurongwa hwehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa hwekuti Zimbabwe inoda kunatsurudza hukama hwayo nenyika dzepasi rese.

Masvondo maviri apfuura, mutungamiriri weAmerica, VaDonald Trump, vakasaina mutemo wekuvandudza zvirango pane vamwe vanhu muZimbabwe, weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Ammendment Act uye VaMatemadanda vati izvi zvakaitwa zvichitevera kurudziro yakabva kune vemapato anopikisa zvikurusei mutungamiriri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, naVaTendai Biti vePeople’s Democratic Party.

VaMatemandanda vati hapana chakaipa kuva nemapato anopikisa asi havadi vanhu vanotengesa nyika nekuti itemerwe zvirango zvehupfumi.

Vosharawo kudyidzana kweMDC Alliance naVaMugabe vachiti izvi zvinoratidza kuti VaMugabe vave mutengesi chaiye.

Vatiwo VaMugabe ndivo vakafurira MDC kuita mhirizhonga musi wa1 Nyamavhuvhu pamwe nekuti MDC Alliance ikipise zvakabuda musarudzo kumatare edzimhosva.

Mumwe murwiri wehondo yerusunguko, VaTawanda Chipato, vatsinhira mashoko aya vachiti vaitungamira mhirizhonga nguva yaVaMugabe ndivo vakatungamira mhirizhonga yemusi wa1 Nyamavhuvhu yakaitika muHarare, mauto akauraya vanhu vatanhatu.

Asi mutauriri wePeople’s Democratic Party inove nhengo yeMDC Alliance, VaJacob Mafume, vashora VaMatemadanda nevamwe vavo vachiti vanofanira kusiyana nenyaya yekutyityidzira hutungamiriri wehweMDC Alliance.

VaMafume varambawo kuti vari kushanda naVaMugabe.

Vatiwo manyepo kuti MDC Alliance yakatumwa naVaMugabe kupikisa zvakabuda musarudzo vachiti bumbiro remitemo yenyika rinovabvumidza kuita izvi.

Vatiwo vane humbowo hunoratidza kuti sarudzo idzi dzakabirwa.

Panyaya yezvirango, VaMafume vati nyika dzekunze dzinodzika mitemo yadzo dzichitarisa zvinodiwa nevanhu vadzo uye Zimbabwe inofanira kuita zvinodiwa nenyika idzi kana ichida rubatsiro kubva kwadziri.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumuzinda weAmerica muHarare sezvo waramba kutaura pamusoro penyaya iyi.

Zvichakadai vaimbove varwiri vehondo yerusununguko vanoti vanoda kuti hurumende isandure zita renhandare yendege yeRobert Mugabe International, kuti idzokere kunzi Harare International Airport kana kupihwa zita rerimwe gamba chairo zvichitevera kutengesa kwakaitwa naVaMugabe apo vakatanga kutsigira MDC Alliance.

Vamwe vaimbove varwiri vehondo yerusununguko vatiwo migwagwa yese yakapihwa zita raVaRobert Mugabe inofanira kusandurwa.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kunaVaMugabe kana mhuri yavo panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG