Accessibility links

Breaking News

Kuverengwa kweMavhoti muAmerica Kwoenderera Mberi VaBiden Vachitungamira Zvishoma


dfghjk
dfghjk

Achakunda musarudzo dzemuAmerica haasati ava kuzivikanwa, uye maziso everuzhinji atarisira kumatunhu mashoma asara, pamwe nekuverengwa kwemavhota eposvo.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, pamwe nevavari kukwikwidzana navo vakamirira bato reDemocratic Party, Va Joe Biden, vose vakakunda mumatunhu avanga vachitarisirwa kukunda murwendo rwavo rwekuti vose vakwanise kuunganidza zvigaro zvema electoral college zvinodarika mazana maviri nemakumi manomwe zvinodiwa kuti munhu adomwe seakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Asi zviri kubuda mumatunhu e North Carolina, Pennsylvania, Georgia, Michigan Wisconsin pamwe neArizona, ndizvo zvichaburitsa kuti ndiyani akunda musarudzo iyi.

Kunyange hazvo pasati paziviswa akunda musarudzo iyi zviri pamutemo, VaTrump vataura vari pamuzinda wavo kuti vanga vatokunda kare, kunyange havo vanga vari kushushikana.

Ukuwo Va Biden vazivisa vatsigiri vavo kuti varambe vaine chivimbo nokuti VaBiden mbune nebato ravo reDemocratic Party, vachakunda pachapera kuverengwa sarudzo idzi.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vachidzidza paDeVry University mu Ohio, Professor Elliot Masocha, vanoti vakawanda vari kunze kweAmerica vari kutarisira shanduko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG