Accessibility links

Breaking News

Voruzhinji Votarisira Musangano weMapato Kuti Upedze Mhirizhonga


Vazhinji muHarare vanonzi vave kutya zvikuru kana pakangotaurwa zita rekuti Chipangano. Chikwata ichi, icho chakarerekera kubato reZanu PF, chiri kukonzera kusagadzikana muhana dzevanhu vakawanda zvikuru sezvo chiri kuregwa chichiita madiro aJojina, kunyange hazvo vari kushungurudzwa vari kumhan’ara kumapurisa.

Mapurisa anoitawo seakabatwa maoko nechando pakubata kwaanoita nyaya dzemhirizhonga, zvikuru kana vebato reMDC vari ivo vari kukwidza nyaya idzi.

MDC inoti nguva zhinji nhengo dzayo ndidzo dzinoguma dzasungwa, kunyange hazvo dziri idzo dziri kutambiswa chamutavanhava nenhengo dzeZanu PF.

Nekuda kwenhamo inenge yechikwepa iyi, veruzhinji vari kuda kuona kumiswa kwemhirizhonga munyika vave kutairisira kuti musangano wemapato ezvematongerwo enyika ari muhurumende yemubatanidzwa uri kutarisirwa kuitwa neChishanu muHarare, ndiyo chete nzira ingangomiswa nayo mhirizhonga.

Asi vamwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reInstitute for a Democratic Alternative for Zimbabwe, VaJoy Mabenge, vanoti havaoni paine chinobuda kubva mumusangano watarisirwa nenyika yose uyu, sezvo mumwe wakadai wakamboedza kuitwa wakakanganiswa nevaifungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaLivingstone Dzikira, avo vanoshanda nesangano reZimbabwe Youth Council, vanotiwo panofanirwa kutorwa matanho akaomarara kune vose vachawanikwa vachikonzeresa mhirizhinga, senzira yekuvhara chiitiko ichi zvachose.

Vanotiwo MDC inofanirwa kuumba hukama hwakanaka nemapurisa kutira kuti abatsire nekusunga vanoita zvemhirizhonga.

XS
SM
MD
LG